Varwere vakawanda  vopona Covid-19

11 Jan, 2022 - 15:01 0 Views
Varwere vakawanda   vopona Covid-19 Dr Mangwiro

Kwayedza

Lumbidzani Dima

VARWERE vakawanda veCovid-19 vari kupona kubva denda iri panguva iyo huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikira zvakanyanya mushure mekunge mhando yehutachiona hweOmicron yakonzera kusagadzikana kwezvinhu panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti kuwanda kuri kuita varwere vari kupona kudenda iyi mucherechedzo wekuti mamiriro ezvinhu ari kuenda achidzikama.

Mwedzi wadarika, sangano reWorld Health Organisation (WHO) rakati Omicron variant inotaridza kuti ine huturu hwakanyanya kudarika Beta variant iyo yakakonzera kunyuka kwechikamu chechipiri cheCovid-19 (second wave) munguva yezororo rekupera kwaZvita 2020.

Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 223 000 vange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 196 515 vakatopona asi vamwe 5 180 vakafa.

Izvi zvinoreva kuti chikamu chevarwere vari kupona kudenda iri chinosvika 88 percent.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 172 089 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere ichi apo vamwe 3 192 289 vange vabaiwa ose ari maviri – ekutanga neechipiri (2nd dose).

Dr Mangwiro vanoti kupora kuri kuita varwere vakawanda veCovid-19 mucherechedzo wekuti Zimbabwe iri mugwara rakanaka panyaya yekurwisa kupararira kwedenda iri.

“Vanhu vari kuteerera zviri kutaurwa neHurumende, vari kutevedzera matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, vari kupfeka mamasiki uye vari kubaiwa nhomba. Vanhu vakawanda vari kubaiwa nhomba, chinove chinhu chakanaka,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vakangwarira panyaya yekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi vachiti Covid-19 ichiriko.

“Tiri kuita zvakanaka pari zvino saka munhu wose anofanirwa kuramba akangwarira zvikuru nekuti denda iri harisati rapera. Ngatirambei tichipfeka mamasiki nenzira kwayo, tichishandisa sanitizer uye ngatiendei kunobaiwa nhomba yechitatu (booster shots). Avo vane zvirwere zvakadai seBP, shuga neHIV vanofanirwa kuramba vachitora mishonga yavo kuitira kuti tisasangane nematambudziko,” vanodaro Dr Mangwiro.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, svondo rapera vakakurudzira veruzhinji kuti varambe vachizvidzivirira kubva kudenda iri vachiti pane njodzi yekuti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi hunogona kukwira zvakanyanya kana vanhu vakashaya hanya nekutevedzera matanho aripo ekurwisa chirwere ichi.

Vanoti kubaiwa nhomba ndiro nzira yakanyanyonaka yekuzvidzivirira kuCovid-19.

“Hatifanirwe kudekara kana kuvarairwa uye tinoda kuramba tichikusha mashoko echenjedzo kuitira kuti nharaunda dzedu dzirambe dzakangwarira. Chirwere ichi chichiripo uye hachisati chapera, panogara paine njodzi yekuti huwandu hwevari kufa nedenda iri hunogona kukwira pamwe nevari kubatwa nedenda iri saka ngatiregei kuneta kuita zvatinoziva kuti zvakanaka, kunyanya kubaiwa nhomba, tinoziva kuti kunochengetedza hupenyu,” vanodaro Dr Mahomva.

Share This:

Sponsored Links