Varwere vazhinji vari kupona

29 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Varwere vazhinji  vari kupona Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

CHIKAMU chevarwere veCovid-19 vari kupona kubva kudenda iri pari zvino chiri pa94 percent apo nyaya zhinji dzekupararira kwechirwere ichi dziri kuitika kuvanhu vagara vari munyika muno nechikamu che99 percent.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akanangana nekudzivirira denda iri sezvo richirimo munyika.

“Kusvika nemusi wa27 Gunyana 2021, Zimbabwe yange yave nevanhu 129 919 vawanikwa vaine denda iri uye pavarwere ivava, 122 446 vakatopona asi vamwe 4 607 vakafa. Chikamu chevarwere vari kupona i94 percent, apo 99 percent dzenyaya dzekupararira kwedenda iri ndedzevanhu vagara vari muno,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti svondo radarika rakaona kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

“Matunhu anotevera akave nenyaya itsva dzakati wandei dzevakabatwa neCovid-19: Masvingo (450), Mashonaland East (261), Matabeleland North (216), Manicaland (193), Midlands (190) neMashonaland Central (145). Mashonaland East, Midlands, Masvingo neMatabeleland South, kumapurovhinzi aya nyaya dzevari kuwanikwa vaine chirwere ichi dziri kukwira nekuda kwezvikoro zvebhodhingi.

“Nyaya dzakawanda hadzina zviratidzo zvedenda iri uye hapana chikonzero chekuti varwere vapihwe mibhedha muzvipatara apo bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kuona zvekuita nemamiriro ezvinhu aya,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Bazi rezveutano nekurerwa kwevana neredzidzo yepuraimari nesekondari vari kuona kuti zvikoro zvatevedza matanho ekudzivirira denda iri pasi pemutemo weCoordinated Prevention and Management of Covid-19 muzvikoro.”

Sen Mutsvangwa vanoti Cabinet yakaita chisungo zvakare chekuti zvikoro hazvisi kuzotenderwa kumbopa vana nguva pfupi yekuzorora temu ino.

Izvi zviri kuitirwa kudzivirira kupararira kwedenda iri uye nekutiwo vadzidzi vadzoreredze nguva yekufunda yavakarasikirwa nayo apo zvikoro zvakambovharwa kwenguva refu nekuda kweCovid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 130 272 vange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava122 621 vakatopona asi vamwe 4 615 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvekare, vanhu vanodarika 3 000 000 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 2 229 310 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Share This:

Sponsored Links