Varwere vopihwa ropa pachena

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Varwere vopihwa ropa pachena

Kwayedza

HURUMENDE ichabvisa mari yemiripo inobhadharwa nevarwere apo vanenge vachida kuwedzerwa ropa muzvipatara kutanga kwemwedzi waChikunguru.

Izvi zvichaita kuti veruzhinji varerukirwe, kunyanya madzimai anowanzorasikirwa neropa panguva yekusununguka uye vanhu vanenge vaita tsaona.

Izvi zvinotevera rutsigiro rwe$4,2 miriyoni rwakapihwa kusangano reNational Blood Service Zimbabwe neHurumende mumwedzi waNdira, izvo zvakaona ropa richidzikiswa mutengo kubva pa$80 papaindi imwe chete kuenda pa$50.

Mashoko aya akataurwa nemukushi wemashoko kuNBSZ, Esther Massundah, apo vashandi vesangano iri vakabatana nevekambani yeNetOne, Traffic Safety Council of Zimbabwe, Zimbabwe Republic Police neRainbow Towers Group vachifora muguta reHarare apo vaishambadza mashoko edzidziso pamusoro pekukosha kwekupa ropa.

Kufora uku kwakaitwa segadziriro yezuva reWorld Blood Donor Day iro rinocherechedzwa musi wa14 Chikumi.

“Tiri kutenda Hurumende nekuti yakati ndiyo ichange ichibhadharira ruzhinji rwenyika mari yekutenga ropa, kureva kuti kutanga nomusi wa1 Chikunguru ropa rinenge rava kuwanikwa pachena muzvipatara. Izvi zvichabatsira kuderedza ndufu dzinouya nepamusaka pekuti varwere vanenge vasingakwanise kubhadhara mari dzekutenga ropa,” anodaro.

Mhemberero dzeWorld Blood Donor Day dzichaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kupa ropa chiratidzo chekubatana. Ivapo ubatsire vamwe. Ipa Ropa. Ipa Upenyu.”

Munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Retired Brigadier-General Dr Gerald Gwinji, vanokurudzira veruzhinji kuti vape ropa senzira yekuchengetedza upenyu.

Chamangwiza wekambani yeNetOne, VaLazarus Muchenje, vanotiwo vacharamba vachitsigira vechidiki kuti vape ropa muzvikoro.

“Chikamu che70% chevechidiki vari muzvikoro ndivo vari kupa ropa, saka ticharamba tichivatsigira. Ropa iri rinoderedza ndufu kumadzimai ayo anorasikirwa naro panguva yekubara nevanopinda mutsaona nezvimwe zvirwere zvinoda kuti varwere vawedzerwe ropa.

“Takapa rutsigiro rwe$25 000 kusangano reNBSZ kuti rifambise zvirongwa zvekutsvaga ropa. Tichange tichipawo mitsara (lines) yenharembozha kune vechidiki vose vachapa ropa muzvikoro uye kadhi rekubhanga rinenge riine $5,” vanodaro VaMuchenje.

Professor Authur Madzisodza, avo vanova murairidzi kuchikamu cheMedical Laboritory kuUniversity of Zimbabwe, vanoti ropa upenyu uye rinodiwa nguva dzose.

VaEmmanuel Nyamande – avo vanoshandira kukambani huru mune zvenhau muZimbabwe, yeZimpapers vari zvakare Brand Ambassador weNBSZ – vanoti vakawirwa netsaona mugore ra2010 apo vaiva parwendo kuenda kumusha kwavo kuZaka pazororo yeKirisimasi, izvo zvakaita kuti varasikirwe neruwoko rweruboshwe.

“Ndakaita tsaona uri musi wa26 Zvita 2010 ndokurasikirwa neruwoko apo ndaienda kumusha. Ndakarasikirwa neropa rakawanda zvekuti ndakapihwa 6 painzi dzeropa. Ndinotenda zvikuru chamangwiza weChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, avo vakaita kuti ndiwane ropa iri pachena nekuti panguva iyi raidhura uye vanhu vaifa muzvipatara nekuda kwekuti vanenge vashairwa ropa,” vanodaro.

Munguva yadarika, NBSZ yakadzikisa ropa kubva pa$80 richienda pa$50 papaindi asi kana dai zvakadaro, varwere vanoti vachiri kuomerwa nemutengo uyu.

Share This:

Sponsored Links