Uncategorized

‘Vashandi ivava vari panyatwa’

13 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
‘Vashandi ivava vari panyatwa’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

SANGANO rinomiririra vashandi vemumigodhi reZimbabwe Diamond and Allied Minerals Workers Union (ZDAMWU) rinoti vashandi ava vari panjodzi huru yekubatwa neCovid-19 nekuda kwebasa ravo.

Munyori mukuru weZDAMWU, VaJustice Chinhema vanoti vashandi vemumigodhi vari kupedza nguva zhinji vakavharirwa kumigodhi vachishanda zvisinei nekuti vanombobuda kunze vachisangana neveruzhinji izvo zvinovaisa panjodzi yekubatira chirwere cheCovid-19.

“Kubva patanga kunzi vamwe vashandi neveruzhinji vamire kushanda nekuda kweCovid-19, vasevenzi vemumigodhi vakanzi havamire nekuti vari pasi pechikamu chevakosha mukufambisa upfumi hwenyika. Izvi zvakaita kuti vazhinji vavo vanzi vashandire kumigodhi ikoko vasingabude kuenda kudzimba senzira yekuti vasasangana nevamwe.

“Zvisinei, vakuru vekumigodhi iyi nevamwe vanopota vachibuda nekudzoka zvinova zvinopa mikana yekuti vanogona kutapurira vashandi denda iri,” vanodaro VaChinhema.

VaChinhema vanoti kazhinji hapazonyatsoitwa ongororo yakakwana yekuona kuti pari kuitwa dziviriro nemazvo here sezvo sangano ravo risiri kuwana mukana wekupinda mune mimwe migodhi kana makambani anoita zvezvicherwa nekuda kwemitemo iriko yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Zviri kunetsa kuti tiite ongororo kune mimwe migodhi kana makambani nekuti mukana uyu hatina. Vamwe vashandi vari kupinda panjodzi yekubatira denda iri nekuda kwekuvharirwa kwavanenge vakaitwa kumigodhi uku.”

VaChinhema vanoti kune vashandi vazhinji vemumigodhi zvakare vasati vawana mari yavo yavakashandira panguva yainyanya kunetsa denda iri (Covid-19 allowances) izvo zvave kuita kuti vamwe vavo vasashanda nemazvo.

Maitiro akadai, vanodaro VaChinhema, anoratidza kudzvanyirirwa kuri kuitwa vamwe vashandi vari muchikamu chezvicherwa.
“Hurumende chaiyo iri kupa vashandi vayo mari yekushanda panguva ino iri kunetsa denda iri (Covid-19 allowances) asi kumigodhi mizhinji vashandi havasi kupihwa mari iyi zvisinei nekuti vari panjodzi yakakura yekubatwa nechirwere ichi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links