Kwayedza

Vashandi vari kusimudzirwa

Senator Mutsvangwa

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kutsvaga nzira dzakasimba dzekusimudzira kushanda kwavanamukoti, machiremba nevamwe vashandi vezveutano zvichitevera mutoro wavainayo munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet svondo rapera, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti chikamu chezveutano chiri kuita basa guru zvichitevera kunyuka kwakaita Covid-19 munyika muno kubva gore rapera.

“Hurumende iri kutsvaga nzira dzinoendeka dzekusimudzira kushanda kwavanamukoti, vanachiremba nevamwe vashandi vezveutano. Izvi zvinotevera basa guru ravari kuita munguva ino yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Nguva pfupi yadarika, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vakazivisa zvakare kuti Hurumende yakazvipira kusimudzira vashandi vezveutano.

Mumashoko avo ekutenda vashandi vezveutano vari pamberi mukurwisa Covid-19, President Mnangagwa vanoti Hurumende yeSecond Republic inoramba yakazvipira kusimudzira vashandi ava kuburikidza nenzira dzakasiyana.

“Hurumende yakazvipira kuramba ichisumudzira vashandi vezveutano. Ndine chokwadi chekuti nyika ichakunda uye yodzivirira kunyuka kwechikamu chechina chedenda iri (fourth wave).

“Kana denda iri rikazvimanikidzira patiri, rinofanirwa kuwana nyika yakagadzirira. Kuburikidza nenzira iyi, tinokwanisa kudzikisa nyaya dzekupararira kwechirwere ichi nendufu,” vanodaro President Mnangagwa.

Sen Mutsvangwa vanoti dare reCabinet rakaziviswa zvakare nenyaya yekubhadharwa kwemari yemuhoro yevakoti vekanzuru yeHarare neChitungwiza kuti vabviswe kumakanzuru aya vachiendeswa kuHurumende uko vave kubhadharwa.

“Cabinet inozivisa veruzhinji kuti chisungo chekubvisa vashandi vezveutano kuti vasabhadharwe nemakanzuru eHarare neChitungwiza asi kuti neHurumende chatanga kutevedzerwa izvozvi, apo vakoti 60 pa65 vekuChitungwiza vakatobviswa. Pane matanho akasimba ari kutorwa ekuti chirongwa ichi chifambiswe nekukasika nechinangwa chekuzadzikisa chisungo cheCabinet chekubvisa vashandi vezveutano 368 vari pasi pekanzuru yeHarare.

“Izvi zvinofambirana nechinangwa cheHurumende chekuti kubhadharwa kwevashandi vakadai kuitwe panzvimbo imwe chete kuitira kuti vabhadharwe nenguva,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti kunze kwavanamukoti, Cabinet yakaita chisungo zvakare chekuti vashandi vose vezveutano vari pasi pemakanzuru emumadhorobha vange vachitambiriswa neHurumende.

“Kunze kwekubvisa vanamukoti chete, Hurumende ichabvisa zvakare vashandi vose vezveutano vari pasi pemakanzuru emumadhorobha kuti vabhadharwe mari dzavo neHurumende pasi pebazi rezveutano nekurerwa kwevana,” vanodaro Sen Mutsvangwa.