Vashandi veutano vari panjodzi – WHO

04 Jan, 2021 - 00:01 0 Views
Vashandi veutano  vari panjodzi – WHO Dr Tedros

Kwayedza

Tandayi Motsi

SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti rinoshushikana zvakanyanya kuti kunyangwe zvazvo vashandi veutano pasi rose vachisvika chikamu che3 percent pahuwandu hwevanhu, 14 percent vavo vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 uye izvi zviri kukonzerwa nekushaikwa kwezvinodiwa pakuita basa ravo zvinosanganisira mvura yakachena.

Vachitaura kuvatori venhau svondo rapera vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland – Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO – vanoti kushaikwa kwezvekushandisa pabasa nevashandi vezveutano kunoita kuti vave panjodzi yekubatira zvirwere zvakasiyana izvo vanogona kutapurira kuvarwere.

“Vashandi vezveutano pasi rose vanosvika 3 percent pahuwandu hwevanhu asi vane chikamu che14 percent chevari kubatwa neCovid-19.

“Ruzivo rutsva rwuri kuburwa neUNICEF rwunoratidza kuti panzvimbo imwe chete paina (4) dzinobatsirwa vanhu panyaya dzeutano hwavo pasi rose, dzinenge dzisina mvura yekushandisa. Izvi zvinoisa utano hwevashandi vezveutano nevarwere panjodzi yekubatira zvirwere,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwakaita kuti vanhu vose vazive humhare hune vashandi vezveutano zuva nezuva nekuda kwebasa ravanoita.

“Chimwe chezvishuviro zvikuru zveWHO ndechekuti vashandi veutano vawaniswe midziyo inovadzivirira pabasa. Tinovakurudzira zvakare kuti vageze maoko avo nguva nenguva vachishandisa sanitizer kana kugeza maoko nesipo nemvura,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti panyika 47 pasi rose, dzichakasarira panyaya yebudiriro yeupfumi, chidumbu chenzvimbo dzinobatsirwa vanhu panyaya dzeutano hadzina mvura yakachena yekushandisa izvo zvinoisa utano hwevashandi vezveutano naverwere panjodzi.

“Kuvharwa kwemukaha uyu ibasa rinofanirwa kuitwa nechimbi-chimbi neWHO ichibatsirana neUNICEF uye nepasi rose.

“Ongororo yakaitwa inoratidza kuti nyika 47 dzichakasaririra panyaya dzebuririro kuti dziwane mvura yakachena yekushandisa, nyaya dzehutsanana uye nekuchengetedzwa kwemarara panzvimbo yakakodzera, panodiwa US$3,6 bhiriyoni pakati pemakore 2021 na2030,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey