Vashandi vezveutano vanorumbidzwa

07 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
Vashandi vezveutano  vanorumbidzwa VP Chiwenga

Kwayedza

Michael Magoronga

VASHANDI vanodarika 78 vezveutano vakafa neCovid-19 kubvira pakatanga chirwere ichi muno gore rapera, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice-President Constantino Chiwenga vanodaro.

Vachitaura nemusi weChitatu vasati vatura mashoko avo apo vaivhura zviri pamutemo chipatara cheKwekwe Infectious Diseases Hospital (IDH), kuKwekwe, VP Chiwenga – avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – vakatungamira vanhu vaive pachiitiko ichi kumbowana nguva yekunyarara senzira yekurangarira mhare dzechikamu chezveutano idzo dzakarasikirwa neupenyu.

“Ndinoda kutora mukana uno kucherechedza vashandi vezveutano vose veHurumende nemapoka akazvimirira vanosanganisira vanachiremba 23, vanamukoti vanodarika 30 nevamwe vashandi vezveutano vanodarika 25 vakarasikirwa neupenyu vari pabasa vachirwisa chirwere cheCovid-19,” vanodaro VP Chiwenga.

Vanoti zvisinei nekudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kufa nedenda iri, zvinoshungurudza kuti vamwe vachiri kuramba kubaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19.

“Ndinofara kuti pave nekudzikira kwenyaya dzekupararira uye ndufu dzinokonzerwa neCovid-19. Zvisinei, tinofanirwa kuziva kuti chirwere ichi chinoramba chiri dambudziko guru panyaya dzeutano hwevanhu nekudaro tinofanirwa kusimbaradza nzira dzekuchirwisa,” vanodaro.

VP Chiwenga vanoenderera mberi vachiti, “Zvinoshungurudza kuona kuti kune vamwe vanhu vari kuramba kubaiwa nhomba uye vakatoendesa Hurumende kumatare edzimhosva vachipikisana nechirongwa chekubaiwa nhomba. Kunyangwe zvazvo vanhu vaine kodzero dzavo uye rusununguko, kodzero idzi dzinogona kuve nepadzinogumira kana pachitariswa zvakanakira kuchengetedzwa kweutano hweveruzhinji panyaya dzakadai seCovid-19 iyo iri kutambudza pasi rose.”

VP Chiwenga vanokurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19.

“Nzvimbo dzakadai seKwekwe, iyo isiri muzinda wezvemaindasitiri chete asi kuti wezvezvicherwa zvakare, inofanirwa kuona kuti vanhu vemo vabaiwa nhomba kuitira kuti pave nekudzivirirwa kubva kuchirwere ichi sezvo budiriro iyi isiri yenzvimbo iyi chete asi kuti neyenyika yose.

“Ndinofara kuti Victoria Falls yakatambira chirongwa ichi zvakanaka zvikaita kuti idziviririke kudenda iri nechikamu che100 percent asi Kwekwe ine chikamu che31 percent chevanhu vabaiwa nhomba, izvi zvinoshungurudza,” vanodaro.

Vanoti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekuchengetedza upenyu kubva kuchirwere ichi.

Kunze kwekuvaka nekuvandudza nzvimbo dzinorapirwa varwere vari kwavo voga dzakadai seyatiri kuparura nhasi, tine zvimwe zvirongwa zvatakatanga zvekurwisa Covid-19 kusanganisira kusimudzira mashandiro evezveutano, kuvapo kweNational Covid-19 Taskforce, kuwanisa mishonga yenhomba nemidziyo yekushandisa uye nekuona kuti mitemo yenyika neyeWorld Health Organisation iri pamusoro pekudzivirira kupararira kweCovid-19 yatevedzwa nemazvo,” vanodaro.

VP Chiwenga vanoti matanho ari kutorwa neHurumende aya ane zvibereko zvinobatika izvo zvaona huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi uye nevari kufa huchidzikira.

Vanoti Hurumende ine tarisiro yekuti nyika ichakunda muhondo yekurwisa Covid-19.

“Ngatinzwei kuchengetedzeka nekuda kwekuti Zimbabwe ine vashandi vezveutano vakadzidzira basa zvemhando yepamusoro uye vakazvipira mubasa ravo vachishanda munzvimbo dzakadai seyatiri kuparura nhasi. Chishuwo changu chikuru ndechekuti senyika, munguva pfupi iri kutevera tichakunda hondo yekurwisa Covid-19 kana tikabaiwa nhomba uye nekuramba tichitevedzera matanho aripo ekudzivirira kupararira kweCovid-19,” vanodaro VP Chiwenga.

Share This:

Sponsored Links