Vashandi votendwa nekuchengetedza basa

08 Mar, 2023 - 17:03 0 Views
Vashandi votendwa nekuchengetedza basa Vamwe vashandi veSeed Co vakawaniswa mibairo yakasiyana-siyana mushure mekushandira kambani iyi kwemakore akawanda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

AIVA mafaro makuru kuvashandi veSeed Co svondo rapera zvichitevera kurangarirwa kwavakaitwa nekambani iyi apo yakavaitira mabiko ekuvapa mibairo yekushanda kwemakore mazhinji senzira yekuvatenda.

Vashandi ava vakaenda kumba nemibairo yakadai sematangi emvura, mahinjini ekudhonza mvura, mbeu yechibage, girosari nemidziyo yemagetsi anoshandisa simba remoto rinobva muzuva.

Munyori mukuru kubazi rezvekurima, hove, mvura nekugara kwevanhu kumaruwa – Dr John Basera – avo vaive muyenzi mukuru pachiitiko ichi, vanoti makambani anouchika mbeu akakosha zvikuru nekuti ndiwo anoita kuti nyika iwane maguta.

“Mhuri nemhuri kuti dzive nechikafu chakaringana, zvinotangira pakuva nemhando yembeu yakauchikwa zvakanaka. Kana nyika ikazvirimira mbeu dzayo zvinoreva kuti haichaburitsa mari ichinotenga kune dzimwe nyika zvoita kuti Africa izviwanire chikafu chayo chakakwana uye chine utano ichitotengesera dzimwe nyika,” vanodaro.

Dr Basera vanoti mbeu dzezvirimwa dzakakosha mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika.

“Tinofara zvikuru nevashandi vepano avo vakagara pabasa kwemakore mazhinji, vamwe kusvitsa makumi mana nekuti hazvisi nyore, asi kuti ishungu nechido nebasa. Chinhu chakakosha pamakambani ose mushandi nekuti ndiye anoita kuti basa rifambe saka tinofara kuti kambani ino inorangarira vashandi vayo,” vanodaro.

Dr Basera vanoti kurimwa kwemhando dzembeu dzakasiyana kunobatsira mukurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze uko kunouya nekuwanda kana kushomeka kwemvura zvichikonzera nzara.

Vanokurudzira vashandi kuti varambe vachivandudza dzidzo yavo kuitira kuti vave nehunyanzvi mukuita basa ravo.

VaBonface Nyarungwe ndivo mumwe wevashandi vakashanda kwemakore mazhinji asi ndivo vega vakasvitsa makore 40 vari paSeed Co vachiita basa rekutyaira matarakita.

“Mubasa rangu rose handina kumboita hutsotsi sehwekurimira vanhu nerweseri, ndairima pandinenge ndanzi rima. Chimwe chinhu chakakosha, itya zvinhu zvevanhu usabata chisichako ndiko kuti ugare zvakanaka pabasa ugobva zvekare murugare.

“Ndinotenda nemibairo yandapihwa inosanganisira chigayo, 140kgs yembeu, girosari, mudziyo unoshandisa simba remagetsi rinobva muzuva, muhoro wemwedzi mumwe chete nechitupa,” vanodaro.

Vamwe vashandi vakawaniswa mibairo yerudzi urwu ndevakasvitsa makore 10, 15, 20 ne30 avo vakaendawo kumba nemibairo inosanganisira pombi dzinodhonza mvura, mbeu negirosari.

Share This:

Sponsored Links