Vasikana vakaumburudzwa mu‘make-up’

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa

PANE kombi yakanyorwa kuti “Usarwadziwe.” Handizive kuti vakanyora kombi iyoyo vaitaura kuti usarwadziwe nei, asi kufunga kwangu vaitaura kuti usarwadziwe nekuti tatenga imwe kombi iwe usina kana Honda Fit yemushikashika yakapwanyika windscreen zvayo.
Pane zvinhu zvinonetsa kuti usarwadziwe nazvo, zvisingaite kuti uzvishaire basa nekuti zvinenge zvakakudzvokora, kana kuti zvichipesuka pamberi pako zvichikuti uri kutiona here.
Ammara Brown akati, “Totozviitira svoto.” Winky D akati, “Finhu finhu, tiri kufinhura.”
Asika kana une chingwa usachidyire svoto kuti vasiri kukwanisa kutenga chingwa vafinhurwe. Zvakare, ziva kuti Jesu akati, “Munhu haararame nechingwa chete, asi neshoko rinobva mumuromo maMwari.”
Ndakarwadziwa ndichinzwa madzimai maviri vechidiki vachitaurirana. Mumwe akanga ati kune mumwe wake, “Une mari here, ndiri kutsvagawo cash yekukwirisa kombi?” Mumwe wake akapindura zvekuvhaira achiti, “Mari yandiinayo maUS dollars chete, ndiyo currency yandiri kubata mazuva ano.”
Kune vamwe vanhu vane maDegree ekudada, zvekuti vanotaura vachinamuka kunge bhabhurigamu yanamira pabhutsu kunze kunopisa.
Ndakarwadziwa musi uno ndichishaya mari yekutenga loaf rimwe chete rechingwa, asi vamwe vakomana vechidiki vachitenga mabhodhoro mazhinji edoro rinodhura uye rinotonhorera. Vakabva vatanga kurinwa vachipinda mumota yairatidza kuti havana zera nayo.
Ichokwadi, mawaniro emari akasiyana-siyana, asi chandinoziva ndechekuti munguva dzino dzatiri vanhu vari pachokwadi, vasiri madhila havawane mari yekuti kana vapedza kugocha nyama vanogeza mawoko avo nedoro. Asi handichada kurwadziwa nekuti Jesu akati, “Hushe hwedenga hausi mune zvekudya kana zvekunwa . . .”
Saka ndikatadza kutenga kuvha ndichanwa mvura.
Ndakarwadziwa nenyaya yamai nemwana wavo. Mwana ajaira kupota achiisa mari mufoni kuti ataure neshamwari dzake. Mwana akabva akumbira amai vake US$1. Amai vake vakati vakanga vasina. Mwana iyeye akatuka amai vake zvekuti vakasvika pakuchema.
Ndichirwadziwa, ndakafunga kuti “Sei kombi yakanga yakanyorwa kuti usarwadziwe, asi izvo zvichirwadza.” Ndakarwadziwa ndichifunga kwekuwana mari yekuti ndikwire Zupco, kubva kubasa. Ndakapedzisira ndafamba netsoka.
Ndichisvika kumba ndakasvikoudzwa kuti “hupfu hwapera.” Ndakaenda kune hama dzekuchechi kunokumbira hupfu. Ndiri munzira, ndakasangana nevasikana vakaumburudzwa mu”make-up” vaifamba nemota yavo yemari zhinji, vachiseka nekunwa tubhodhoro zvekuratidza kuti vakanga vari muZimbabwe yakasiyana neyangu. Kuve nemari haisi mhosva, asi kuratidza vamwe kuti une mari zhinji inzira yekushungurudza vamwe. Pane nguva dzekuti kana uri mupfumi unodawo kuti unyare kuti uri mupfumi munyika ine varombo nekuti hazvina hunhu. Hunhu huri mukuzvidzora, mukuziva kuti parufu hapasi pekunoridza “Ngaibake” wakavhura misiwo yemota yako, uchitamba, nekunwa.
Imwe korapusheni tiri kuitsvaga muvanhu vari muHurumende chete, asi vazhinji vedu tikaiswa paskero yekuyera kuti tine hunhu here, tinogona kuwanikwa takashota kunge makumbo enyoka. Muzukuru wangu akati haugone kuremekedza mari yausina kushandira.
Kana zvinhu zvichinge zvaoma, vazhinji vanenge vave kufunga zvekubuda munyika kana kufa chaiko, asi panguva imwe chete vamwe vachiimba kuti “ngaibake.”
Jesu akati “Farai munaShe,” akatizve, “Garai mandiri” – ngatigarei maari, uye tirege kuburitswa maari nehasha kana ruvengo, kushamisira kana kushaya hunhu. Jesu paakati, “Farai munaShe” aitaura semusiki wedu, uye akanga asingataure zvekupenga. Ngatifungisise kuti zvii zviri munaShe zvinofadza, uye zvatisingatorerwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey