Vasikana vazhinji vosiira chikoro panzira: Unicef  

04 Mar, 2022 - 08:03 0 Views
Vasikana vazhinji vosiira chikoro panzira: Unicef  

Kwayedza

Lumbidzani Dima

VANASIKANA vakawanda vanonzi vari kukwanisa kupedza dzidzo yekupuraimari kana zvichienzaniswa nevanakomana, asi vasikana vazhinji vari kusiira chikoro panzira apo vanozosvika Form 4, inodaro Unicef.

Dambudziko revanasikana vari kusiira chikoro panzira rinonzi rakawedzera zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakaona vamwe vavo vachipihwa pamuviri.

Gwaro reUNICEF Country Programme (2022-2026) rinotaridza kuti zvivakwa zvisina kuringana, hurombo mumhuri, kuve munzvimbo dzinonetsa kusvika nekuda kwedambudziko rezvifambiso uye tsika nemagariro zviri kukanganisa kuti vanakomana nevanasikana vawane dzidzo yakaringana.

Unicef inoti kushomeka kwevarairidzi nezvikwanisiro zvekushandisa pamwe nedzimwe njodzi dzinonyuka nguva nenguva, zviri kudzosera kumashure zvakare budiriro yedzidzo.

Vanasikana vane chitsama vanonzi vanosiira chikoro panzira vave kusekondari nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana.

“Izvi zviri kunyanya kukonzerwa nehurombo, kupihwa pamuviri, kuroodzwa vachiri ndumurwa, mhirizhonga inodyidzana nezvinoitika kuzvikoro, vamwe vabereki vanokoshesa kufundisa mwanakomana pane musikana uye zvivakwa zvezvikoro zvisingaenderane nevanasikana,” inodaro Unicef.

Sangano iri rinoti rakazvipira kuona kuti vanasikana vawana dzidzo yakaenzana nevanakomana zvisinei nekumhuri kwavanobva.

Unicef inoti icharamba ichifambira mberi nechirongwa chinokurudzira hutsanana muzvikoro zviri kumativi mana enyika cheSanitation and Hygiene (WASH).

Sangano iri rinoti rinotsigira matanho ari kutorwa kurwisa dambudziko revanasikana vari kusiira chikoro panzira uye nekukurudzira vanenge vapihwa pamuviri kuti vadzokere kunodzidza pamwe chete nekusimudzira fundo yevakaremara mitezo.

Unicef inoti yakazvipira kubatsira zvakare nemidziyo nezvimwe zvinoshandiswa nevarairidzi uye nevadzidzi mufundo.

“Unicef ichashandisa zvirongwa zveshambadzo zvekushandura hunhu pamwe nekuita hurukuro nenharaunda nechinangwa chekukurudzira kudzidza kwevana uye kuti vechidiki vakwanise kuita mabasa emaoko pamwe,” rinodaro sangano iri.

Unicef inoti inokoshesa zvakare nyaya yekusimudzira bazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti rikwanise kuve zvirongwa zvinoendeka nezvikwaniso zvekushandisa pamwe nekuita ongororo yakadzama inosimudzira nyaya dzedzidzo.

Izvi zvinosanganisira kutsigira zvirongwa zvakanangana nekurwisa njodzi dzinogona kusanganikwa nadzo muchikamu chedzidzo.

PIX: Vanasikana nechikoro

Vanasikana vakawanda vanonzi vari kukwanisa kupedza dzidzo yekupuraimari kana zvichienzaniswa nevanakomana, asi vasikana vazhinji vari kusiira chikoro panzira apo vanozosvika Form 4.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey