Vasina kubaiwa vokonzeresa

22 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Vasina kubaiwa  vokonzeresa Dr Mangwiro

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

VANHU vasina kubaiwa majekiseni kana kuti nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 vanoratidza kuti ndivo vari kunyanya kubatwa nedenda iri uye nyaya dzakawanda dzerudzi urwu dzine zviratidzo zvekuti hutachiona hwacho huri kuuya nevari kubva kunze kwenyika.

Izvi zvakaziviswa nemutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro.

Vanoti kunyangwe kubaiwa majekiseni kuchibatsira, vanenge vabaiwa vanofanirwa kuramba vachipfeka mamasiki, kushambidza maoko nesanitizer kana kuageza nemvura ine sipo uye kusaita chitsokotsoko.

“Panyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi dzatiri kuona, vakawanda vacho ndevasina kubaiwa majekiseni uye tiri kuona vane zviratidzo (asymptomatic). Nzvimbo dziri kunyanya kunetsa kuMashonaland West, Bulawayo neManicaland.

“Kubaiwa majekiseni kwevanhu vakawanda kwakakosha kunzvimbo dziri kumiganhu yenyika. Sezvineiwo, mamwe maguta ari kumiganhu yenyika seVictoria Falls – uko kwakatanga kubaiwa vanhu vakawanda majekiseni aya – vazhinji vari kubaiwa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoti ongororo yakaitwa kunzvimbo dziri kumiganhu yenyika inoratidza kuti nyaya dzekawanda dzevanhu vari kubatwa neCovid-19 ndedzevari kubva kunze zvichireva kuti hadzisi kutangira muno.

“Saka munoona kuti kubaiwa kunobatsira zvikuru, nekudaro tinokurudzira vanhu kuti vabaiwe majekiseni aya,” vanodaro Dr Mangwiro.

MuZimbabwe, vanhu vari kubaiwa majekiseni emushonga wemhando yeSinopharm neSinovac vaccine wakabva kunyika yeChina ayo ari kurumbidzwa zvikuru pasi rose uye akabvumidzwa kushandiswa neWorld Health Organisation (WHO).

Zimbabwe kusvika pari zvino yawana majekiseni anosvika 1,7 miriyoni – emushonga wekutanga (1st dose) newechipiri (2nd dose) – ayo ari kubaiwa vanhu pasi pechirongwa ichi.

Pamusoro pezvo, India yakapa zvakare Zimbabwe majekiseni 37 000 emhando yeCovaxin apo mamwe 25 000 eSputnik V vaccine akabva kuRussia uko akatengwa neimwe kambani inoita zvezvicherwa muno.

Ongororo yakaitwa neboka reGamaleya National Research Centre of Epidemiology and Microbiology uye neveRussian Direct Investment Fund inoratidza kuti mushonga weSputnik V Covid-19 vaccine unokwanisa kudzivirira chirwere ichi nechikamu che97,6.

“Majekiseni akawanda ari kutarisirwa kusvika munyika svondo rinouya uye tinokurudzira vanhu kuti vabaiwe kuti chirongwa ichi chirambe chichifambira mberi,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanokurudzira vakabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuti varambe vachitevedzera matanho ekuzvidzivirira kudenda iri anosanganisira kupfeka mamasiki, kusafamba-famba zvisina tsarukano, kushambidza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokotsoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey