Vatambi vambishi: Stix

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Vatambi vambishi: Stix

Kwayedza

. . . vanoda kunyatsobikwa zvakakwana

Abel Ndooka —
STANFORD ‘Stix’ Mutizwa murairidzi weBlack Rhinos FC anoti pane musiyano mukuru pakati pechikwata chaanacho parizvino nechaakatambira mugore ra1984 icho chakahwina mukombe wePremier Soccer League.

Stix akaita mukurumbira achitambira CAPS UNITED ndokuzobva kuchikwata ichi achienda kuBlack Rhinos uko kwaakahwina mukombe wePSL mugore ra1984 nechikwata chaive nevamwe vatambi vakaita saMaronga Nyangela uyo aive mukurumbira wekunwisa.

Muhurukuro neKwayedza, Stix anoti chikwata chake chichiri kure zvikuru kuti chisvike pachidanho pecheChauya Chipembere icho chaakatambira.

“Musiyano uripo mukuru, vapfana ava vachiri kure kuti vasvike patakasvika isu mumatambiro nekuti isu taive nevatambi vakaita saMaronga Nyangela uyo ainwisa zvinodadisa.

“Taiziva kuti Maronga akawana mikana mina mumutambo mumwe chete ainwisa katatu asi iye zvino vatambi variko ava vakawana mikana iyi vanoirasa.

“Saka zvinhu izvo ndega ndiri kuona kuti zvinoda kugadziriswa nekuchimbidza kana tichida kuhwina mukombe wePSL,” anodaro Stix.

Kuraswa kwemikana yekunwisa kunoitwa nevatambi vemazuvaano kunoonekwa zvikuru sekwakabvira mugore ra2010 sezvo pasina ati akwanisa kunwisa ka20 muPSL izvo zvakapedzisira kuitwa naNorman Maroto achitambira Gunners FC.

Mwaka wadarika, Leonard Tsipa weCAPS UNITED ndiye akahwina mubairo weGolden Boot mushure mekunge anwisa ka11 unove mwaka uyo zvakare chikwata chake cheKepe-kepe chakahwinha mukombe wePSL.

Stix anoti ibasa revarairidzi vese kuti vashande zvakasimba kubika vatambi vasvike padanho ravakasvika izvo zvaiona vamwe vakaita saNyangela vachinwisa ka30 mumwaka mumwe chete.

“Pari kungodiwa kuti tishande nevatambi vese tivabike zvakasimba, tarenda riripo uye rikanyatsobikwa vanosvika kure mumutambo uyu,” anodaro.

Shasha iyi yakagadzwa pachigaro chinopisa kuBlack Rhinos FC mwaka wadarika ichiri muDivision One ndokutungamira kuti idzoke muPSL zvichitevera kuburitswa kwayainge yaitwa mugore ra2014.

Kudzoka kwakaita Chauya Chipembere muPSL, kwaona chichitamba nhabvu inodakadza sezvo kusvikira parizvino chikwata ichi chakaundwa mitambo miviri kubva pa11 yachatamba.

Ndicho chakagara pechipiri palog uye chiri kurwisana neNgezi Platinum kuenda pamusoro.

Stix anoti chikwata cheBlack Rhinos chakaburitswa muPSL mugore ra2014 chainge chawana zvibodzwa 43 saka chinangwa chavo mwaka uno kuwana zvibodzwa zvinodarika izvi vozoona zvimwe zvinotevera.

“Chikwata chedu pachakagumurwa muPSL mugore ra2014 chainge chine zvibodzwa 43 saka isu chinangwa chedu kuti tiwane zvibodzwa zvinodarika 43 chekutanga zvimwe zvinotevera tinongotambira uye tinotenda Mwari,” anodaro Stix.

Share This:

Sponsored Links