Vatambi vebhora baiwai majekiseni

08 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Vatambi vebhora baiwai majekiseni

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI venhabvu uye vatsigiri vemutambo uyu vokurudzirwa kuti vaende kunobaiwa majekiseni emushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 segadziriro yekutanga kwemitambo iyi iyo iri kutarisirwa kutanga munguva pfupi inotevera.

Kuridziro iyi yakaitwa neaimbove mutevedzeri wemutungamiri weDynamos FC – Esther Tayo Mawere – uyo ari mune zvehutano zvekare achiti zvakakosha kuti vatambi venhabvu vabaiwe mushonga wekudzivirira denda iri pamwe nevatsigiri kana vachida kuzowaniswa mukana wekuona nhabvu yePremier Soccer League nekufamba kwenguva.

Nhabvu nemimwe mitambo yose zvakapihwa mvumo yekuti zvichidzoke asi vatambi uye vatungamiriri vemitambo yakasiyana vanofanirwa kunotariswa denda reCovid-19.

Mitambo yose ichange ichitambwa munhandare isina vatsigiri.

Mawere anoti kunze kwekuti vatambi vangovhenekwa vaonekwe kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete, zvakakosha kuti vabaiwewo majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

“Nhabvu yakadzoswa uye vatambi vanonzi vachange vachitariswa kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete. Asi, ini ndinokurudzira kuti vakasununguka ngavabve vaenda kunobaiwa zvekare jekiseni rekudzivirira denda iri kuitira kuti chirwere ichi chisambowane mukana wekunyuka.

Vatambi venhabvu vagara vanosangana nevanhu vakawanda uye nhabvu painenge ichitambwa ipapo vanenge vachisangana vakawanda saka kutobaiwa jekiseni uku kwakatokosha nekuti kunobatsira kuvachengetedza kubva kuchirwere ichi,” anodaro Mawere.

Anoti nhabvu yemuno inonetsa kutambwa pasina vatsigiri nekudaro zvakakoshawo kuti vatsigiri vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuitira nguva inotevera kana vachinge vave kuzotenderwa kuenda kunhandare kunoona mitambo.

“Kurudziro iyi tiri kuipa zvekare kuvatsigiri venhabvu kuti vakasununguka ngavaende kunobaiwa jekiseni.

Hakusi kuti kungobaiwa chete asi zvakatonakira hupenyu hwavo sezvo pavanosangana nevamwe vanhu denda iri vanogona kutapurirana asi akabaiwa jekiseni anenge akachengetedzeka zvake,” anodaro Mawere.

Share This:

Sponsored Links