Vatambi vechidiki voendeswa kuchikoro

23 Feb, 2023 - 13:02 0 Views
Vatambi vechidiki voendeswa kuchikoro Prophet Emmanuel Ngoshi

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vechidiki vebhora vokurudzirwa kuti vakoshese dzidzo yavo uye vasiyane nekutora zvinodhaka sezvo zviri kuvadzosera kumashure.

Kurudziro iyi yakaitwa naProphet Emmanuel Ngoshi vechechi yeRoyal Assembly International Ministries avo vari kuronga mutambo wenhabvu wemaUnder-14 uchaona zvikwata 23 zvichibandana muMbare nemusi weMugovera svondo rino.

Pamutambo uyu, vatambi vachadadisa nekuhwina mibairo inosanganisira Top Goal Scorer, Player of the Tournament naGoal Keeper of the Tournament vese vachabhadharirwa mari yechikoro yetemu inotevera naProphet Ngoshi.

Prophet Ngoshi vanoti nekuda kwezvinodhaka, vechidiki vazhinji vane matarenda emitambo yakasiyana vari kukanganiswa remangwana ravo.

“Zvinodhaka ritori dambudziko chairo ratakatarisana naro uye vamwe vari kusiira dzidzo yavo panzira, kuchiti vane zvipo zvemitambo zviri kukanganiswa nekuda kwezvinodhaka izvi.

“Saka isu nechikwata chatiri kushanda nacho tinoda kudzoreredza hupenyu hwevana ava.

“Naizvozvo tiri kuronga mitambo yenhabvu iyo tiri kuunganidza zvikwata 23 zviri kubva kumapurovhinzi akasiyana. Vana vanenge vadadisa pamutambo uyu tinoda kuvaendesa kuchikoro nekuti dzidzo ndiyo hwaro hunoumba mwana kunyangwe zviite sei.

“Tinoda kuti vana vanenge vasarudzwa vagopa vamwe manyawi ekushanda nesimba mune mimwe mitambo yaticharonga mune remangwana,” vanodaro.

Prophet Ngoshi vanoti chirongwa ichi hachisi chenhabvu chete asi kuti vanasikana vari kuvarongerawo mitambo yavo yenetball uye nhabvu yevechisikana.

“Hatisi kuzosiya vanasikana vedu nekuti vane zviri kuvakanganisawo zvekare saka tinofanira kuvachengetedza tovasimudzirawo matarenda avo,” vanodaro.

Murairidzi wenhabvu wevechidiki wechikwata cheReal Stars chekuMbare, Stanley Kavayi, anoti chirongwa chaProphet Ngoshi chiri kubatsira zvikuru vechidiki vakawanda.

“Ichi chirongwa chichashandura hupenyu hwevana saka isu sevarairidzi tichaona kuti vanenge vahwiniswa tichavatevera kudzimba uye nekuzvikoro kwavo tichinoona kuti vari kuenda here kuchikoro nekuti isu chekutanga tinokoshesa dzidzo yavo.

“Hatidi kuti vana vakanganiswe dzidzo yavo vopedzisira vanyudzwa nezvinodhaka,” anodaro Kavayi.

Pazvikwata zvichakwikwidza mumutambo wesvondo rino kuMbare, zvichahwina zvichawaniswa mukombe nemenduru kuchiti zvimwe zvichapihwa mabhora nemayunifomu.

Share This:

Sponsored Links