Vatambi vengano

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzai Gunduza
MHUKA nevanhu ndizvo zvinonyanya kushandiswa navanasarungano sevatambi vemungano. Mhuka dzinoshandiswawo dzakamirira zvinhu zvinoitwa nevanhu muupenyu. Dzimwe dzemhuka dzinowanzowanikwa mungano dzinosanganisira gudo, shumba, tsuro, bere, kamba, nzou, nedzimwewo.

Gudo/Dede/Bveni/Mutiro – Iyi imhuka inowanikwa mungano zhinji semungano; Gudo naTsuro p.30. Mungano zhinji Gudo rinoburitswa riri sekuru kuna Tsuro, uye richimiririra vanhu vakapusa, vasingafungi nevaye vanonyengedzwa nezvinhu zviri pachena. Gudo rinomiririra vanhu vane chimiro chakaipa sezvo richizivikanwa namahobi. Gudo rinomiririrazve vanhu vanoba, asi vasina njere zvinozoita kuti vapinde mumatambudziko.

Tsuro – aka kamhuka kadiki, asi kaine ungwaru, undyire, uye unyengedzi. Mungano zhinji mhuka hombe dzinonyengedzwa naTsuro achishandisa njere dzake dzakapinza. Muupenyu Tsuro inomiririra vanhu vane mhumhu mudiki, asi vachigona kushandisa njere kuti vawane zvinhu zvinenge zvichishaikwa nevanhu vane mhumhu mukuru. Tsuro inoburitswawo ichimiririra vanhu vane utsinye muupenyu semungano; Tsuro naBveni p.66. Mungano iyi, Tsuro anonyengedza Bveni kusvikira razouraiwa navanhu. Izvi zvinobva zvabudisa utsinye hwaTsuro.

Shumba – mungano zhinji, Shumba ndiye aiva mambo wesango achitonga dzimwe mhuka dzose. Aikwanisa kuunganidza mhuka dzose dzesango kana pachinge paita dambudziko rakaita senzara achiona kuti vangakunda sei matambudziko aya. Muupenyu, Shumba anomirira umambo, uye chisimba chisina njere ndosaka dzimwe nguva achinyengedzwa naTsuro kana kupinzwa mumatambudziko nekuda kwekusafunga kunomutuma kushandisa chisimba. Pasichigare, madzishe aitonga akafuga dehwe reshumba zvinotsigira pfungwa yokuti shumba inomirira utongi mungano. Shumba inomirira vanhu vane unyanzvi hwekuvhima, vanotyisa, uye vane mhumhu mukuru semungano inonzi Vasikana nevakomana shumba, p.12.

Gava – iyi imhuka inobudiswa mungano iine uchenjeri zvikuru. Gava rinobudiswa riine uchenjeri sezvo richikwanisa kupfimba musikana richidiwa pasina nguva yakareba.

Uchenjeri hwegava hunobudiswa nekugona kunyengedza musikana kunyange zvake achizokwanisa kuona kuti mukomana wake wainge asiri munhu chaiye.

Ngwena/Garwe – iyi imhuka inogara mumvura, asi ichida nyama zvikuru. Imhuka ine simba, uye inogona kubata hove. Inowanzodya icho chinenge chapinda mumvura ndosaka kune tsumo yokuti, “Garwe haridyi chebamba, charo chinoza neronga.” Muupenyu garwe rinomirira vanhu vanokara, vane simba rakanyanya, uye vanongoda kudya zvinenge zvauya zvoga.

Share This:

Sponsored Links