‘Vatambi vetsiva changamukai’

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
‘Vatambi vetsiva changamukai’ Alfonso “Mosquito” Zvenyika

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mutsiva — Alfonso “Mosquito” Zvenyika — anoti kusadzidza kuri kukonzeresa kuti vatambi vazhinji vemutambo uyu vabirwe mari dzavo nemapuromota nemamaneja vosara vasina chinhu.

Mosquito anoti vatambi vemitambo yakasiyana vanofanirwa kukoshesa nyaya yefundo.

“Vatambi vezhinji vetsiva havana kudzidza saka izvi zviri kukonzera kuti vabirwe mari uye hapana chavari kuita muhupenyu hwavo. Vari kuitisa vamwe vanhu mari, kunyanya mamaneja nemapuromota avo.

“Mutambi anoudzwa kuti pamari ngatiite 50-50, iye mutambi pa50 perecent yake ndipo pachabva yekuti abhandare kuBoxing Board of Control uye azobhadhare zvakare murairidzi wake nekugym kwaanenge achishandira saka anosara asisina chainacho asi maneja akanuna                         zvake. Ndipo paye munhu paanozosendeka magirovhosi ake etsiva anenge asisina chinhu nekuti mari aingobirwa,” anodaro.

Mosquito anoti mamaneja nemapuromota etsiva vanofanirwa kushanda pamwe chete mukusimudzira vatambi.

“Tikatarisa kunze kwenyika kuEurope, mutambi wetsiva anenge ane chikwata chikuru chaanoshanda nacho chichimubatsira mubasa                rake. Chikwata ichi chinoshanda mabasa akasiyana ekusimudzira mutambi uyu.

“Manje muno tiri kuona zvakasiyana nekuti unonzwa maneja achiti mutambi uyu ndewangu, ndini ndoshanda naye chete. 

Ihwohwo humbimbindoga nekuti unenge uchitadzisa mutambi wako kusimukira mumutambo uyu. Isu chatiri kungoda kuona vatambi vose vachisimukira chete, nyika yedu yorumbidzwa kana vatambi vahwina,” anodaro Mosquito.

Zvichitevera kupihwa mvumo kwakaita mitambo yose kuti ichidzoka, Mosquito anoti zvave kubatsira kuti vatambi vazhinji, avo hupenyu hwavo hwange hwakanganiswa nedenda reCovid-19, vachisimuka vagowana cheuviri muhupenyu hwavo.

“Covid-19 yakavhiringa zvizhinji mumutambo wedu, vatambi vandinawo ipfuti chaidzo asi kumbopedza nguva vakagara kwakadzorera basa rose ratange tichiita                     kumashure.

“Asi iye zvino tave nemufaro kuti tavhurirwa, tapihwa mvumo yekuti mitambo ichitanga, zvave kubatsira kuti tichienderera mberi nebasa,” anodaro Mosquito.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>