Vatambi vetsiva vosimudzirwa

01 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
Vatambi vetsiva vosimudzirwa Clyde Musonda

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reDeltaforce Boxing & MMA rakabatana nekambani yeIhsan mukusimudzira tsiva izvo zvichaona vachitenderera kumativi mana enyika vachitsvaga vatambi vane tarenda remutambo uyu.

Chibvumirano chakaitwa neDeltaforce neIhsan chichaona kambani yeIhsan ichikotsvera vatambi vana vetsiva vari kusimukira avo ichabatsira nemari pamwe chete nemidziyo yekushandisa mugadziriro dzavo dzemutambo uyu.

Pari zvino pave nevatambi vaviri avo Deltaforce vayave kutoshanda navo vanoti Farai Makombe naZvikomborero Chemhere.

Munguva pfupi inotevera, Deltaforce ichange yave kutenderera mumapurovhinzi akasiyana enyika ichironga mitambo yetsiva uye kutsvaga vamwe vatambi vaviri avo ine tarisiro yekuti vanogona kusvika kure mumutambo uyu.

Mutungamiri weDeltaforce Boxing & MMA – Clyde Musonda – anoti donzvo ravo kusimudzira tsiva munyika kuburikidza nekutsigira vatambi vane tarenda remutambo uyu.

“Takatanga chirongwa chekutsvaga vatambi vatsva vetsiva avo tinoda kushanda navo kusvika vave shasha saka tiri kutsvaga shasha itsva dzemuAfrica.

“Tichatenderera nyika yese tichironga mitambo iyo tichange tichishandisa kutarisa vatambi vetsiva vakasiyana avo tichada kuzoshanda navo tichisimudzira mumutambo uyu.

“Vatambi vese vatiri kuda vana (4) uye pari zvino tave nevaviri vanoti Fari Makombe naZvikomborero Chemhere saka pasara vamwe vaviri vatichiri kutsvaga,” anodaro.

Musonda anoti apo vachange vachitenderera nechirongwa ichi chekusimudzira vatambi vetsiva, vachatorawo mukana uyu kuvadzidzisa kuipa kwekutora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri izvo zvinozovakanganisa hupenyu hwavo mune remangwana.

“Tsiva chombo chakasimba mukurwisa nyaya yekutorwa kwezvinodhaka nekuti inodzidzisa vechidiki kuzvibata muhupenyu hwavo. Saka tiri kushanda nevechidiki tichivadzidzisa kuti vararame hupenyu hwakachena vasamedzwa nezvinodhaka.

“Isu vari mune zvemitambo takatorawo danho iri rekurwisa kutorwa kwezvinodhaka nekuti tinoziva kuti mumwe nemumwe wedu ane basa rekuita mukurwisa dambudziko iri,” anodaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links