Vatambi veZim kuEurope

28 Jul, 2022 - 15:07 0 Views
Vatambi veZim kuEurope Tino Kadewere

Kwayedza

Abel Ndooka

MUMASVONDO anotevera, nhabvu yekuEurope – iyo inoteverwa zvikuru muno – ichange yave kutanga uye vatambi vemaWarriors vari kutarisirwa kutambira zvikwata zvavo zvakasiyana.

Iye zvino vatambi vakaita saMarvelous Nakamba weAston Villa, Tino Kadewere weLyon yekuFrance naMarshall Munetsi weStade de Reims yekuFrance vange vachitamba mitambo yegadziriro kuzvikwata zvavo apo vakatarisana nekutanga kwemwaka mutsva wenhabvu.

Mwaka wekuEngland nekuFrance zvose zvichatanga musi wa5 Nyamavhuvhu.

Chikwata chaKadewere ndicho chichavhurira mwaka mutsva wekuLigue 1 apo chichasangana necheAjaccio musi wa5 Nyamavhuvhu.

Kuchiti zuva rinotevera, chikwata chaNakamba chekuEnglish Premier League chichazotamba apo chichasangana nechaJordan Zemura cheAFC Bournemouth.

Svondo rino, Kwayedza yakaita ongororo yevatambi vemaWarriors vanotambira kuEurope pamusoro pekuti gadziriro dzavo dziri kufamba sei panguva ino yepre-season.

Marvelous Nakamba

Nakamba: Mutambi weAston Villa uyu angokwanisa kutamba mutambo mumwe chete wegadziriro dzemwaka mutsva wechikwata chake kubva pamitambo mina yachatamba chiri kuAustralia uko chiri kuita gadziriro dzacho. Akatamba mutambo wechikwata chake neLeeds uyo vakahwina 1-0.

Mumutambo uyu, Nakamba akatanga akagara pabhenji ndokuzopinda muchikamu chechipiri vachibva pahalftime.

Mimwe mitambo yakazotevera, weBrisbane Roar neManchester United, kana pabhenji chaipo aive asipo uye murairidzi wake Steven Gerrard haana kutaura kuti sei asina kumutambisa.

Svondo rino, chikwata chake chichasangana neRennes mumutambo wekupedzisira wegadziriro mwaka wePremier League usati watanga.

Tino Kadewere

Kadewere: Mutambi weLyon uyu mwaka wadarika haana kunyatsotamba sezvaakaita paakatengwa nechikwata ichi paakanwisa ka10 kubva mumitambo 33 yaainge atamba. Mwaka wadarika, akangonwisa kamwe chete kubva mumitambo 15.

Pari zvino chikwata chake chatamba mitambo mishanu yehushamwari uye Kadewere atamba katatu apo vakasangana neBourge en Bresse (France) iyo vakakunda 4-2 uye akazotamba mutambo weAnderlecht (Belgum) apo vakakundwa 3-0.

Akazotamba zvakare mutambo wechikwata chake apo chakazvamburwa 5-0 neWillem II Tilburg (Netherlands).

Lyon iri kutarisirwa kutamba mutambo wekupedzisira wehushamwari apo ichasangana neInter Milan musi weMugovera.

Zvakadaro, Kadewere anonzi ari kudiwa nezvikwata zvakasiyana kusanganisira cheReal Valladolid chekuSpain.

Marshall Munetsi

Marshall Munetsi: Mutambi weStade de Reims uyu mwaka uno watatarisana nawo anonzi ange achidiwa neBrighton & Hove yekuEngland.

Pari zvino atamba mutambo mumwe chete hwehushamwari wechikwata chake asi ndokutadza kutamba yaitevera sezvo ainge akuvara.

Ange achitarisira kudzoka svondo rino kuzosimudzira gadziriro dzake apo chikwata chake chakatarisana nemwaka mutsva wemuLigue 1.

Tendayi Darikwa

Darikwa: Tendayi Darikwa ndiye kaputeni weWigan Athletic uye mugadziriro dzavo ange achitamba zvikuru izvo zvinorakidza kuti ari muhurongwa hwechikwata chake mwaka uno. Chikwata chake chichatambira muligi reEnglish Championship chichirwira kuti chigopinda muEnglish Premier League.

Mitambo yeChampionship iri kutanga svondo rino musi weChishanu apo pachaona Huddersfield ichisangana neBurnely.

Chikwata chaDarikwa mutambo wacho wemwaka mutsva chichisangana nePreston North End musi weMugovera.

Pamitambo yehushamwari mishanu yakatambwa neWigan, Darikwa akatamba yese apo chikwata chake chakasangana necheOldham Athletic chikwahwina 3-1, chichakunda Liverpool XI 6-0, chikaita mangange 0-0 neAccrington Stanley uye ndokuzokunda zvekare Bamber Bridge neSheffield Wednesday 5-1 ne4-1.

Jordan Zemura

Jordan Zemura (AFC Bournemouth): Zvakawanda zviri kutarisirwa kubva kuna Zemura uyo mwaka uno chikwata chake chichange chichitambira muEnglish Premier League.

Mwaka wadarika, Zemura aipisa zvikuru muChampionship izvo zvakamuona achitamba ka33 ndokunwisa katatu apo chikwata chake chakahwina tikiti rekupinda muEnglish Premier League.

Mumitambo mitatu yehushamwari yatambwa nechikwata chake, Zemura akatamba yese izvo zvakaona vachikunda Sheffield Wednesday 2-1, ndokukundwa 2-1 neSporting Braga yekuPortudal uye vakazokundwa zvekare 1-0 neBristol City yekuEngland.

Bournemouth iri kutamba mutambo wayo wekupedzisira hwehushamwari svondo rino musi weMugovera apo ichasangana neReal Sociedad yekuSpain.

Zvakadaro, vamwe vatambi vakaita saAdmiral Muskwe weLuton Town, Macauley Bonne weQueens Park Rangers naBrendon Galloway wePlymouth vose vari pakati pekuita gadziriro nezvikwata zvavo.

Kuchiti David Philani Moyo, uyo aitambira Hamilton Academical yekuScotland, haasati ave kuzivikanwa kuti nhabvu yake achange achiitambira kupi mwaka uno zvichitevera kubva kwaakaita kuchikwata ichi apo kondirakiti yake yakapera.

Share This:

Sponsored Links