Vatambi vodzidziswa nezveHIV, zvinodhaka

05 Sep, 2024 - 17:09 0 Views
Vatambi vodzidziswa nezveHIV, zvinodhaka Anne Konje

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa ichitambira chikwata chenyika chemadzimai chemaMighty Warriors – Anne Konje – anoti zvakakosha kuti vatambi vari mune zvemitambo yakasiyana vadzidziswe pamusoro pehochekoche iripo pakati pekutora zvinodhaka neHIV sezvo izvi zviri kukanganisa remangwana revamwe vavo.

Achitaura pamusangano wevatori venhau wakarongwa neNational AIDS Council kuChinhoyi nemusi weChipiri chino, Konje — uyo anorairidza chikwata cheHarare City Queens — anoti nyaya yeHIV neAIDS nekutorwa kwezvinodhaka zvinofambidzana uye zviri kukanganisa vatambi vakawanda.

“Kana uri mutambi wenhabvu unosangana nemiyedzo yakasiyana saka isu sevarairidzi takazviona zvakakosha kuti titore chikamu chikuru chekupota tichigara pasi nevatambi tichitaura navo pamusoro peHIV neAIDS uye kutorwa kwezvinodhaka.

“Idzi inyaya kare dzekuti dzaisambotaurwa nezvazvo saka takaona zvakakosha kuti tinge tichibata nyaya idzi nekuti ndizvo zvimwe zviri kukanganisa vatambi vakawanda,” anodaro.

Konje anoenderera mberi achiti: “Patinenge tiri kumitambo, unotoona matambiro anoita mumwe mutambi kuti ane zviri kumunetsa. Saka tinoshavaedza tobvunzisisa kuti chii chiri kunetsa, wonzwa nyaya dzake, ipapo ndipo patinovapa dzidziso maringe nenyaya idzi kuti vabatsirike muhupenyu hwavo.”

Anoti kuuya kwakaita denda reCovid-19 mugore ra2020 kwakaona kutorwa kwezvinodhaka kuchiwedzera muvatambi venhabvu sezvo vazhinji vavo vakange vave kuswera vakagara kudzimba vasina zvekuita.

Konje, uyo zita rake remadunhurirwa aizivikanwa saBhonzo, akaita mukurumbira achitambira zvikwata zvinosanganisira Dynamos Queens, St Mary’s Queens, Hollenburg Queens, Chitungwiza Queens, Arcadia neNew Orleans Queens.

Anoti zita rekuti Bhonzo akaripihwa naStewart Murisa naAlois Bunjira avo vaakakura achitamba navo nhabvu.

“Ndichikura, ndaitamba nhabvu nevakomana, ndainge ndakagwinya chaizvo, Stewart Murisa naAlois Bunjira vaizviziva kuti ndaigona saka vakange vave kufara vachiti musikana uyu ane bhonzo rakasimba nekudaro kubva ipapo zita rekuti Bhonzo rakabva ratongobatirawo,” anodaro.

Panguva yaakatamba nhabvu, mutambo uyu waisanyanyobhadhara kumadzimai uye vasingawane rutsigiro rwakasimba kana zvichienzaniswa nemazuvaano.

“Tiri kushanda nesimba iye zvino kuti vanasikana vedu vari kutamba nhabvu vawane ruremekedzo rwakakodzera uye hupenyu hwavo hugove hwakasiyana nenguva yedu isu yatakatamba bhora,” anodaro Konje.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey

×

ZTN Feedback Survey

ZTN

Scan the QR code on the poster or click the link below to share your thoughts.

Take Survey