Kwayedza

Vatatu vasungirwa makadhi eCovid

Asst Comm Nyathi

Victor Maphosa

MAPURISA akasunga vanhu vatatu nemhosva yekutengesa makadhi emukoto anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni rekudzivirira chirwere cheCovid-19 kune vanhu vasina kubaiwa pakiriniki yeSeke South Clinic iri kuChitungwiza.

Vakasungwa vashandi vaviri vepakiriniki iyi vanoti Sekai Gabriel anova pest controller naShorai Sithori anova mukoti uye wechitatu ndiLloyd Chidziva uyo anonzi ndiye aitsvaga vanhu vanoda kutenga makadhi emukoto aya nemari iri pakati peUS$25 neUS$50.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira nezvekusungwa kwevatatu ava.

“Ndinotsinhira kuti mapurisa, achishanda nevechikamu cheSpecial Anti-Corruption Unit, vasunga Sekai Gabriel anova pest controller paSeke South Clinic, Shorai Sithori anove mukoti naLloyd Chidziva aimira sa’agent’ nemhosva yehuwori yekutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni reCovid-19 kuvanhu vasina kubaiwa.

“Vose vari mumaoko emapurisa uye vachapinda mudare munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Izvi zvinotevera nyaya yakabudiswa neKwayedza yehuwori huri kuitwa nevanhu vari kutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 kune vasina kubaiwa nenzira yemukoto.

Kwayedza yakatotengawo kadhi iri zvakare mushure mekubhadhara US$25 kune vamwe vashandi vepaSeke South Clinic svondo rapera apo yaiferefeta nyaya iyi.