Vatori venhau vadzidziswa zveutano

19 Aug, 2022 - 07:08 0 Views
Vatori venhau vadzidziswa zveutano Muchaneta Chimuka (kurudyi) achitambidzwa chitupa naDr Amos Marume vanova Principal weHIPH

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VATORI venhau 14 kubva kumapoka akasiyana vakawaniswa zvitupa mushure mekupedza zvidzidzo zviri maringe nezveutano hweveruzhinji (Public Health Winter School) paHarare Institute of Public Health (HIPH) izvo zvichaona vachisandura manyorero avanoita nhau dzavo.

Vamwe vevakawaniswa zvitupa izvi svondo rino ndiMuchaneta Chimuka anonyorera Kwayedza, Mirirai Nsingo (Zimpapers Television Network), Tanyaradzwa Rusike (The Sunday Mail), Emmanuel Kafe (The Sunday Mail), Shyleen Mahommed (The Sunday Mail), Rumbidzai Zinyuke (The Herald) naCathrine Murombedzi (Freelance).

Vachitaura mushure mekutambidza vatori venhau zvitupa zvavo, Dr Amos Marume avo vanova principal weHIPH vanoti vanofara zvikuru nekudzidzisa kwavakaita chikwata chekutanga chevatori venhau maringe nezvekukosha kweutano hweveruzhinji.

“Vatori venhau vanhu vakakosha nekuti ndivo vanofambisa mashoko maringe nezviri kuitika munyika. Utano hweveruzhinji hunokosha nekudaro ruzivo rwatakavapakurira rwuchaita kuti vafambise mashoko echokwadi aine ongororo yakadzika kuitira kuti veruzhinji vazive kodzero dzavo dzeutano, nzvimbo dzavanoenda kunorapwa, zvavanofanira kutarisira kana vaenda kuzvipatara uye kuti vanoita sei kana kodzero dzavo dzatyorwa.

“Utano hweruzhinji hunobvira pamweya watinofema, chikafu chatinodya, zvatinofamba nazvo, mvura nenharaunda dzatinogara. Ibasa remunhu wose kuona kuti nharaunda dzedu dzakachena uye mweya watinofema haufanirwe kusvibiswa, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Kathy Manase, uyo anova director wesangano reHumanitarian Information Facilitation Centre (HIFC), anoti vakaona zvakakosha kuti vatsigire vatori venhau vanonyora nezveutano.

Mirirai Nsingo mutori wenhau wekuZTN achitambidzwa chitupa naDr Marume

“Nyaya dzeutano dzinobata raramo yemunhu wose saka kana vatori venhau vakadzidziswa seizvi, vanonyora nyaya dzavo zvine hudzamu. Chikwata ichi ndicho chekutanga kudzidziswa uye tinofara kuti vose vakapasa saka nhasi tiri kuvatambidza zvitupa zvavo. Tiri kutarisira kuzodzidzisa vamwe munguva inotevera,” vanodaro.

Rusike anoti anofara zvikuru nekusimudzirwa dzidzo yake zvichaita kuti arerukirwe mukuita basa rekutapa nhau dzezveutano.

“Ndava kuziva mitemo iri maringe nekodzero dzeutano, kutsigirwa hwehomwe yeutano nenzira dzandingashandisa kuti ndiwane nhau, pakati pezvimwe. Saka handichangonyori nyaya dzisina hudzamu sezvandaiita kare,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links