Vatsigiri venhabvu vari kuvava

13 Jun, 2024 - 21:06 0 Views
Vatsigiri venhabvu vari kuvava Chikwata chemaWarriors

Kwayedza

Abel Ndooka

VATSIGIRI vemaWarriors vari kudya magaka mambishi nematambiro akaita chikwata chenyika ichi, icho chinorairidzwa naJairos Tapera, zvichitevera kukundwa kwachakaita mitambo yacho miviri yachichangobva kutamba yekurwira kuenda kuFIFA 2026 World Cup.

Nemusi weChipiri chino, maWarriors akakundwa 3-1 neSouth Africa uye izvi zvinotevera kukundwa kwavakaitwa zvekare 2-0 neLesotho neChishanu chadarika izvo zvakaona chikwata ichi chichienda pasi peboka racho reGroup C nezvibodzwa zviviri kubva mumitambo mina.

MaWarriors ave kufanirwa kuhwina mitambo yawo yese yasara yemuboka iri kana achida kuwana mukana wekuenda ku2026 FIFA World Cup uye nekune rimwe divi, achinamata kuti zvikwata zviri pamberi pavo zvigorasikirwa nezvibodzwa.

Mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira – Adomsi Mukwasi – anoti matambiro emaWarriors haana kuipa asi kuti hutungamiriri hwenhabvu ndiho huri kuregerera chikwata chenyika ichi.

“Hatingamboshore vakomana vedu, vanotamba nhabvu nekuti havana mhosva yavambopara. Nyaya hombe iri pahutungamiri hwenhabvu munyika, havana rudo nenhabvu yedu uye
ndivo vari kukonzera kuti iparare iende mudondo.

“Mitambo mikuru yakaita seiyi inoda kugadzirirwa zvakasimba, manje isu hatisi kumboita gadziriro dzacho. Hameno kuti zvinhu zvedu zviri kubva kupi zvakananga kupi, aiwa izvi zvinogumbura chaizvo.

“Izvozvi chimwe chinotirwadza zvakanyanya kutaura kuti toenda kuSouth Africa kunotambira mitambo yedu ikoko, toti tiri pamusha isu tiri kune imwe nyika? Zvinoitawo here izvozvo shuwa?” anodaro Mukwasi.

Aimbove mubati wepagedhi wemaWarriors, Dynamos FC neBlack Rhinos – Japhet ‘ShortCat’ Mparutsa – akanyorawo papeji rake paFacebook achikurudzira vatsigiri venhabvu kuti vasashore maWarriors achiti: “Ndakumbira musashore vapfana vadiki ava.” Mumwe mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira zvekare – Chris ‘Romario’ Musekiwa – anoti maWarriors akatamba zvinogutsa mumitambo yawo miviri asi akakundwa nenyaya yekuti haana kuwana nguva yekuita gadziriro.

“Chakatidyisa kusawana nguva yakakwana yekuita gadziriro. Vatambi tinavo asi havana kuwana nguva yekuita gadziriro yakakwana vari vese.

“Isu chikumbiro chedu ndechekuti komiti yeZIFA Normalisation igadze murairidzi anongomirira maWarriors chete vomutsigira kuti atange kuita gadziriro takatarisana nemimwe mitambo inotevera yekurwira kuenda kuWorld Cup.

“Hongu, tiri pasi muboka redu asi remangwana rakajeka zvikuru nevatambi vatinavo,” anodaro Musekiwa.

Mitambo inotevera yemaWarriors yekurwira kuenda kuWorld Cup ichatambwa munaKubvumbi gore rinouya apo achasangana neBenin pamwe neNigeria.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey