Vava nemadhigirii ekuimba mimhanzi

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vava nemadhigirii ekuimba mimhanzi Prof Murwira

Kwayedza

Daphne Machiri

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti veruzhinji havafanire kutarisira pasi indasitiri yezvemimhanzi sezvo kuine vakawanda vari kurarama kuburikidza nemagitare.

Vakataura mashoko aya svondo rapera kuZimbabwe College of Music, muHarare, pamabiko ekupedza zvidzidzo evadzidzi 116 vepakoreji iyi avo vakapihwa zvitupa zvinosanganisira zveBachelor of Music Degree.

“Veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti zvidzidzo zvakaita sezvemagitare zvinotoda kuenderwa kuchikoro kuti vanhu vave neruzivo rwakadzama. Kune vanhu vakawanda vari kurarama kuburikidza nemimhanzi.

“Tinotenda nebasa riri kuitwa neZimbabwe College of Music mukusimudzira vanhukadzi mune zvemimhanzi,” vanodaro Prof Murwira.

Mashoko avo anotsigirwa naDirector weZimbabwe College of Music, Dr Rachel Chigwanda, vachiti donzvo ravo nderekusimudzira vadzidzi vane matarenda ekuimba.

“Isu sekoreji, tiripo pakushandura mafungiro ekuti magitare haabhadhare uye vamwe vanoti ndezvevanhu vasina kufunda. Magitare anotopa chouviri uye anotoenderwa kuchikoro kuti uve nyanzvi yawo sezvo tiri kuona vamwe vari kugirajuweta ava,” vanodaro Dr Chigwada.

 

Share This:

Sponsored Links