Vavakidzani vobatana huruweki

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Vavakidzani vobatana huruweki

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
VAVAKIDZANI vakamisidzana mudare mumwe achiti ari kushungurudzwa nekurohwa uye ari kurambidzwa kuvaka panzvimbo yake. Crispen Nyahoda akamhan’arira Jack Munyaradzi kuHarare Civil Court achiti ari kumufurufusha. “Murume uyu muvakidzani wangu asi ari kundirambidza kuvaka panzvimbo yangu, handizive kuti daka rake neni ndereyi. Akatouya nehama dzake vachindirwisa asi chandakatadza handichizive. Hameno kuti ava kushanda kukanzuru here nekuti kundirambidza kwaari kuita anenge ane zvaari kuziva pamusoro penzvimbo yangu,” anodaro Nyahoda.

Anoti haana kuda kuunza hama dzaMunyaradzi kudare sezvo asingazive kwadzinogara.
“Dai ndaiziva kunogara hama dzake ndingadai ndakavaunza kuno, zvino handikuzive,” anodaro.
Munyaradzi anoti ari kushamisika kuti sei aunzwa kudare.

“Ndiri kushamisika kuti sei andiunzwa kuno nekuti handina kana nyaya naye uye handisi muvakidzani wake, dzimba dzedu dzitori nekiromita pakati,” anodaro.
Mutongi Nyasha Marufu akapa vose vaviri ava gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links