Vavakidzani vonakurirana HIV

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Vavakidzani vonakurirana HIV

Kwayedza

Courtney Munodawafa

VAVAKIDZANI vakamisidzama mudare vachipomerana kutaura mashoko ekunyombana pamusoro peutachiona hweHIV uye kupumhana huroyi.

Dadirai Kambeu akamhan’arira Sithole Jambu kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

Kambeu anotizve Jambu anomutuka nezvinyadzi.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Kambeu gwaro rinomudzivirira.

“Uyu muvakidzani wangu asi baba ava vanondituka zvinyadzi. Vakanditi ndiri muroyi ndakadya vana vake uye kuonda kwandikaita vari kuti mapiritsi echirongwa andiri kunwa.

‘‘Handizivi kuti nemhaka yei vachidaro, zvimwe dare ringandibatsire kunzwisisa,” anodaro.

Jambu anoti haapokane nechikumbiro chaKambeu kudare asi ndiye anotanga kumutuka.

“Amai ava ndivo vakatanga kundituka. Ngavapihwe gwaro ravo asi ivo vainditi ndine chirwere,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links