Vavakidzani vorwira chikorobho

08 Mar, 2023 - 16:03 0 Views
Vavakidzani vorwira chikorobho Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

IMWE shirikadzi yemuHarare inoti haina rugare nemuvakidzani wayo uyo anoituka zuva nezuva nekuda kwejurahoro rake iro rakadarikidza kupinda muchivanze chake pamwe nekupomerwa kukanda zvikorobho pamba pake.

Agnes Muzariri akamhan’arira Mukanya Kurarama kudare reHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Vanondituka vachiti bvisayi jurahoro renyu nekuti rakadarikidza kupinda muyadhi mawo. Vanondituka mangwani, masikati nemanheru. Nyaya iyi iri kumahofisi ekanzuru asi vari kuramba vachindituka,” anodaro Muzariri

Achipawo divi rake, Kurarama anoti Muzariri ndiye akachera mugodhi wake pedyo nejurahoro rake.

“Ndakavaudza zvakanaka kuti kana vanhu vachichera mvura ngavarege kukupira mvura kuyadhi kwangu uye kukandira zvikorobho divi rangu,” anodaro.

“Amai ava handivatuke nekuti munhu wemukadzi uye ndiri murume ane mudzimai wake. Ndakaremara ziso saka pese pavanondituka vanonditi ‘chidziso,'” anodaro Kurarama.

Mutongi Tamara Chibindi vakarasa chikumbiro chaMuzariri chegwaro rerunyararo nekuda kwekushaikwa kweumboo hwekuti ari kushungurudzwa sei naKurarama.

Share This:

Sponsored Links