Vaviri vafa mutsaona dzemumugwagwa

07 Jul, 2022 - 20:07 0 Views
Vaviri vafa mutsaona dzemumugwagwa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNHU mumwe chete anonzi akafa mutsaona, vamwe vaviri ndokukuvara zvakanyanyisa mushure mekunge motokari dzabonderana mumugwagwa unobatanidza Chivhu neMvuma nemusi weSvondo wadarika.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti tsaona iyi yakaitikira mumugwagwa uyu pachinhambwe che167 kilometre peg nenguva dza9:30 mangwanani.

“Trevor Mabugu (38) wekuRuwa aityaira motokari yerudzi rweToyota Hilux achibva kuMvuma achienda kuChivhu asina munhu mukati, apo Sungai Sibanda (45) wekuHertfordshire kuGweru aityaira Toyota Corolla achienda kuMvuma. Panguva iyi, Sungai Sibanda akaedza kudarika rori raiva pamberi pake ndokunogumisira abonderana nekumberi nemotokari yaityairwa naMabugu,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti munhu aive mumotokari yaSibanda, uyo akazivikanwa saErnest Chinosengwa wekuMasvingo, akabva afira panzvimbo.

“Mapurisa vakasvika pachiitiko ichi ndokutakura vaviri vakakuvara kuvaendesa kuchipatara uko vari kurapwa. Mutumbi waChinosengwa wakaendeswa kumochari,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya inodyidzana neiyi, mudzimai aive nemakore 36 ekuberekwa aibva kuMasvingo zvakare anonzi akafa mushure mekubondera kwemota yaaifamba nasyo pasimwewo motokari yaiva yakamira.

Tsaona iyi inonzi yakaitika nemusi wa2 Chikunguru nenguva dza7 husiku pachinhambwe che220 kilometrte peg mumugwagwa weHarare-Masvingo.

Zvinonzi Pepukai Gurai (37) aityaira motokari yerudzi rweHonda Fit achienda kuMasvingo akatakura vanhu vana apo akapotsa kunangisa mugwagwa.

“Mutsaona iyi, Emelda Makanda (36) wekuMasvingo akabva akuvara zvikuru ndokufa apo aiendeswa kuchipatara cheMvuma.

Tinoyambira vatyairi nguva dzose kuti vacherechedze mitemo yose yekufamba mumugwagwa uye vorega kumhanya zvakanyanya kuti vakwanise kutyaira zvakanaka,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links