Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wekuChitungwiza wekubatsirana nemukomana wechidiki kupamba mumwe murume uye ndokuzomurova zvakanyanya ozvidemba zvichitevera kutongerwa kwavakaitwa kugara mujeri kwemakore mashanu pamumwe nemumwe wavo.
Rumbidzai Tauro (38) pamwechete naMatthew Meki Banda (18), uyo waanogara naye, vakamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Court ndokubatwa nemhosva
yekupamba uye kurova zvakaipisisa Dearon Mutangata (37), kuUnit N kuChitungwiza kwakare kwemazuva mana.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Winfilda Tiyatara, vakatemera vasungwa vaviri ava chirango chekugara makore mashanu mujeri pamumwe nemumwe wavo asi vazobvisa gore rimwechete nechitsidzo chekuti havafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.
Mukupa mutongo, vakatarisa nyaya yehutsinye hwakashandiswa nevaviri ava apo vakavharira murume uyu mumba mavo kwemazuva mana vachimushaisa rugare rwekufamba, kuenda kuchimbuzi uye vasina hanya yekuti ange achinorapwa apo vakamurova akakuvara zvakanyanya.
Muchuchisi Tendai Ruwocha vakaudza dare kuti nemusi wa10 Kurume 2024 munguva dzemanheru, Tauro akasangana nemumhan’ari, Mutangata, kuUnit N achifamba netsoka kuenda kunoona bhora kuZvido Shopping Centre.
“Ndakasangana naTauro achifamba achibva anditaurira kuti ainge arohwa nemumwe munhu saka akanga achida anomuperekedza kuenda kumba sezvo aive nekutya kwakanyanya. Ndakabvuma kuperekedza Tauro semunhu wandakambogara naye munharaunda imwechete,” anoda Mutangata.
Vari munzira, Tauro akakumbira kupfuura nepane imwe imba iri muUnit G achiti aida kuona shamwarirume yake asi akasvikoishaya vachibva vapfuurira mberi nerwendo rwekuenda kumba kwake.
Vasvika kumba, Mutangata anonzi akasvikogara muimba yekutandarira apo Tauro naBanda vakapfuurira kuenda kubhedhuru.
Asi pasina nguva, Banda akadzoka akabata shangu inova yaakatanga kumurova nayo Mutangata pamabvi achibva atanga kutiza nepaseji yemba sezvo musuwo wainge wakakiiwa.
Banda akaenderera mberi nekutema Mutangata kumusana nemudziyo usina kuzivikanwa.
Banda akatora mupinyi webadza ndokurova mumhan’ari uyu kudzamara adonhera pasi achibuda ropa zvakaita kuti arare mudivi reropa apo akazofenda ndokuzobepura muzuva remangwana racho.
Vasungwa ava vakazotora Mutangata ndokunomusiya kumucheto wemugwagwa uri pedyo nepamba pavo asina mutaririri zvisinei nekuti akanga asisagone kufamba.
Mutangata akatotyoka makumbo zvekuti haachakanisi kufamba asina rutsigiro rwemumwe munhu uye vabereki vake vakashandisa mari inosvika US$1 500 mukuedza kumurapisa.
Vaviri ava vakatongwa nemhosva mbiri dzinoti yekupamba munhu (Kidnapping as Defined in Section 93(1) (a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23) uye yekurova (Assault as Defined in Sectiin 89 (1) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23).
Zvakadaro, Tauro ane imwe nyaya yekupamba munhu yaari kutarisana nayo mudare rimwechete iri.