‘Vechidiki batsirai kuvaka nyika’

20 Apr, 2022 - 20:04 0 Views
‘Vechidiki batsirai kuvaka nyika’ Brig Gen Mzilikazi

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VECHIDIKI vanokurudzirwa kuti vapinde munyaya dzekurima nezvimwe zvikamu zvakakosha mubudiriro yeZimbabwe izvo zvinoenderana nechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika cheNational Dvelopment Strategy 1 (NDS1)
Kurudziro iyi iri kupihwa naBrigadier General Morgan Mzilikazi mushure mekuparura bhuku ravo rechina rinonzi “Africa Awakening Volume IV, Nehanda Charwe Nyakasikana”.

Vanoti bhuku iri rinobatsira kunyanya vechidiki kuti vazive kukosha kwechivanhu nechitendero chemunyika yavo.

Brig Gen Mzilikazi vanoti bhuku ravo rinoshanda sechenjedzo kune vechidiki kuti vazive nhoroondo yekukanganiswa kwakaitwa chitendero chezvizvarwa zvemuZimbabwe nemuAfrica nevachena.

“Zvakakosha kuziva kwatakabva senyika uye pakakanganiswa nevakatipamba tiine rugare rwakanaka munyika medu. Ruzivo urwu rwukava mune veruzhinji, kunyanya vechidiki, zvinotibatsira kuti tive nemuono wekuita zvinhu zvedu tiine hungwaru uye chenjedzo kubva kuzvitendero zvedu,” vanodaro.

Brig Gen Mzilikazi vanoti vechidiki vazhinji vari kurasika nekumhanyira kuita zvemhirizhonga pamwe chete nekushandiswa nenyika dzekunze vachitadza kuvaka nyika yavo kuburikidza nekupinda mune zvekurima uye zvimwe zvikamu zveupfumi.

“Kuda shanduko munyika hazvirevi kutuka mutungamiriri wenyika kana kushora Hurumende iripo. Zvinoreva kushanda nezvirongwa zvenyika zvakafanana neNDS1 mukusimudzira nyika uye kubatana nevanomirira nzvimbo dzakasiyana kuti pave neshanduko inobatsira veruzhinji.

“Hakuna vechidiki vangada kuvaka nyika nekuisimudzira kana vachida kuvhiringidza zvirongwa zvakaita seNDS1. Vechidiki ngavatore mukana wevhu ratinaro, zviwanikwa zviri munyika uye nezvirongwa zvekusimudzira upfumi hwenyika voshanda naizvozvo kugadzirisa upfumi hwenyika pasina kushoropodza kana kutengesa Hurumende,” vanodaro Brig Gen Mzilikazi.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG