‘Vechidiki musagarire maoko’ 

15 May, 2023 - 16:05 0 Views
‘Vechidiki musagarire maoko’  VaWisdom Marozhe

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

VECHIDIKI vokurudzirwa kuti vaite mabhindauko akasiyana-siyana anovapa pundutso muhupenyu pamwe chete nekuvabatsira mukuvabvisa mukutora zvinodhaka.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaWisdom Marozhe (26) vekuNorton avo vakavamba bhizimisi rekuisa ma”logo” pambatya, mayunifomu echikoro neemakambani (embroidery) apo vaive nemakore 20 okuberekwa.

Vanoti pavakatanga basa iri, vaishanda nevabereki vavo apo vaichengeta mari kusvikira vatengawo mushini wavo ndokutanga kuzvishandira voga.

“Ndinoshanda nemakambani akawanda nezvikoro vanouya vachida kudhindirwa mayunifomu avo.

“Shuwiro yangu ndeyekuti nditenge mumwe mushini wakati kureyi nekuti wandinayo we‘5 head’ wave mudiki. Pamagetsi, handina hangu dambudziko nekuti kana achinge aenda ndinoshandisa genareta saka basa rangu rinoramba richifamba zvakanaka,” vanodaro VaMarozhe.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kambani yedu inonzi Marozhe Tailors uye mumwe nemumwe ane basa rake raanoita tichishanda tiri mhuri imwe chete.

“Baba takavati ngavachizorora vagare kumba isu tipfurire mberi nebasa.”

VaMarozhe vanokurudzira vechidiki kuti vashandise maoko avo kutsvaga raramo yakanaka pane kuswera vachitora zvinodhaka sezvo zvichiparadza hupenyu hwavo.

“Mazuva ano, unogona kutanga kambani yako ukaisa pfungwa dzako pamwe chete. Haisi nguva yekumirira mumwe munhu kuti achakufungira zvekuita. Wega unototanga bhindauko rako ukatoita mari wotoraramisa mhuri yako nehama dzese.

“Ini pazera rangu iri ndiri kutokwanisa kubhadhara rendi pandinogara, kutenga chikafu uye mune remangwana ndinoda kuzovakawo pangu pekugara nekuti zviri kundifambira zvakanaka chose,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>