‘Vechidiki musangogara, zvishandirei’

19 Sep, 2023 - 14:09 0 Views
‘Vechidiki musangogara, zvishandirei’ Hopewell Mpofu (kuruboshwe) naUllet Mpofu vachipa mombe mashanga. – Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI wechidiki kwaSabhuku Tagwireyi Gandiwa, kudunhu raMambo Nemangwe, kuGokwe South, ari kukurudzira vamwe varimi kuti vatore matanho ose akakodzera kuti vasarasikirwe nezvipfuyo zvavo, kusanganisira kuzvidzivira kubva kuzvirwere nekuzvipa chikafu chekututsira pamusoro.

Kurudziro iyi yakapihwa naHopewell Mpofu (27) uyo anoita basa rekupfuya mombe nezvimwe zvipfuyo ari pamusha pevabereki vake paZinyuke, kwaNemangwe.

“Kupfuya mombe ibasa rakazvikwanira rinoda kuzvipira nguva dzose sezvakangoita sekuchengeta vana. Kuno kuGokwe, huswa hushoma saka tinoita kudya kwemombe kwekunotsvaga zvakaita sekutenga makireshi, kuchengeta mashanga atinoisa sauti nekumwaya mvura kuti mombe idzi dzikwanise kuadya,” anodaro Mpofu.

Anoita basa rekupfuya mombe iri achibatsirana nemunin’ina wake, Ullet Mpofu (20), uye chirongwa ichi vakachitanga makore maviri akadarika vachingova nemombe nhatu chete.

“Mombe dzangu ndakatanga dziri nhatu, izvozvi dzasvika nhanhatu dzinosanganisira nzombe ina nehadzi mbiri. Sevechidiki, tiri kutevedzera kurudziro yemukuru wenyika yekushandisa mawoko pane kunotsvaga mabasa,” anodaro Mpofu.

Anoti vanoendawo kunzvimbo dzakasiyana vachinocheka huswa hwavanosanganisa nemashanga nemunyu vopa mombe dzavo.

“Ndinotarisira kuti mumakore maviri ari kutevera, mombe dzangu dzivirike kusvika gumi kana gumi neshanu, zvikadai ndine hurongwa hwekutenga matsiru maviri kana matatu emhando dzakasiyana kuitira kusimudzira danga rangu,” anodaro Mpofu.

Anoti vanogara vachishevedza nyanzvi dzechikamu cheDepartment of Veterinary Services (DVS) kuzobaya majekiseni mombe dzavo nekuvapa ruzivo mune zvakasiyana.

“Mombe dzangu dzinobaiwa majekiseni mwedzi mitatu yoga-yoga uyewo nekudzipa mishonga yekudhoza. Tinomwaya dhibhi svondo roga-roga, uye panyaya yemvura tinodzipa pano pamusha kana kunodzinwisa kurwizi Chomumvuri.”

Mpofu anoti vane hurongwa hwekupindawo mukupfuya mbudzi nehwai senzira yekusimudzira mabasa avo.

“Ndine hurongwa hwekuti ndizoroora ndava nemombe dzinodarika makumi matatu uye ndazvivakirawo musha wangu nekuti pano ndepevabereki. Ndinopfuyawo huku dzechivanhu dzandinoda kuti dziwande nekufamba kwenguva,” anodaro

Mpofu anokurudzira vechidiki kuzviriritira pane kungomirira kubatsirwa nevabereki mukurarama kwavo.

Hurumende ine zvirongwa zvakananga kusimudzira vechidiki kuti vakwanise kuzvishandira uye kuzviwanisa mabasa pasi pechirongwa chayo cheVision 2030.

Share This:

Sponsored Links