‘Vechidiki rongekai’

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
‘Vechidiki rongekai’ Mai Mary Hapadziwe (kuruboshwe) vaine mumwe wavo

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa

SANGANO reNational Association of Non-Governmental Organisations (NANGO) rinoti vechidiki ndivo remangwana renyika, nekudaro vanofanira kusiyana nenyaya dzekutora zvinodhaka vonangana nekuzvishandira kuburikidza nemabasa emawoko ayo anovapa raramo.

Vachitaura vakamirira NANGO pagungano re2019 NANGO Expo rakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika, VaMisheck Gondo, vanoti zvakakosha kuti vechidiki varonge remangwana ravo zvine hungwaru.

Musangano uyu wakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Musasiye vechidiki kumashure”.

Pagungano iri, masangano anosanganisira Zimbabwe Famers Union (ZFU), Jekesa Pfungwa, National Association of Youth Organisations (NAYO) neYouth Empowerment Transformation Trust (YETT) akapa vechidiki dzidziso inovabatsira muupenyu hwavo.

“Vechidiki mazuva ano vari kutadza kuenda kumabasa kana kuzvitangira mabhizimusi avo. Izvi zviri kuzoita kuti vamwe vavo vazopedzisira vasarudza kutora zvinodhaka kana kupinda mumabasa akaipa sekuba kana kubhinya.

“Musangano wanhasi uripo pakudzidzisa vechidiki kuti vadzidzire kushandisa mawoko avo kuita zvinounza pundutso uye kuziva kodzero dzavo,” vanodaro VaGondo.

VaTadiwanashe Grand vekuZFU vanoti sangano ravo riri kuita zvirongwa zvinokurudzira vechidiki kuti vaite mabhindauko ekurima.

“SeZFU, tinoshanyira varimi vechidiki kuminda yavo tichiona uye kuvadzidzisa nzira dzakanaka dzekurima. Chirongwa chedu ichi chiri kubatsira varimi vechidiki nekuti vazhinji vanopinda mune zvekurima vasina ruzivo rwakakwana,” vanodaro.

Mai Mary Hapadziwe vesangano reJekesa Pfungwa vanokurudzira vechidiki kuti vasamhanyire kuroorwa kana kuoora vasati vabve zera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>