‘Vechidiki rongerai remangwana’

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
‘Vechidiki rongerai remangwana’ Fetchton “Fetch the Soul Winner” Nenguwo

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero Fetchton “Fetch the Soul Winner” Nenguwo anoti zvakakosha kuti vechidiki varongere remangwana ravo uyewo nekuve vanhu vanomata Mwari kuti vayaruke vachitevera gwara rakanaka.

Nenguwo anoti vamwe vechidiki vemazuva ano vari kurasika muhupenyu hwavo nekuda kwekutora zvinodhaka.

“Tiri kuona vamwe vechidiki vemazera angu vachirasika muhupenyu hwavo nekuda kwekusazvibata zvakanaka. Vamwe vanoswera vachitora zvinodhaka uye vachiba. Izvi hazvina kana kumbonaka nekuti vanenge vachitokanganisa hupenyu hwavo.

“Vechidiki tisu vatungamiri vemangwana saka ngatikoshesei hupenyu hwedu kuburikidza nekuziva zvakanaka nezvakaipa. Tikaziva bhaibheri zvinotifambira zvakanaka,” anodaro Nenguwo.

Muimbi uyu parizvino akwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti I am a testimony (2017) uye Christ in me (2018) iro rakanetsa nekambo kanonzi Mukuru.

Nenguwo anoti gore rino ari kutarisira kuparura dambarefu rechitatu rinonzi Jesu vari kugadzirisa.

Mhanzi yake, anodaro Nenguwo, inopa tariro kuvanhu kuti vasatye uye kuti matambudziko avo ose vaapire kunaMwari.

“Mwari ndiye ega anokwanisa kupedza matambudziko edu, kana tikamunamata muzvokwadi iye mbune anokwanisa kupedza kuchema kwedu tese. Isu sevaimbi vechitendero ibasa redu kuparidzira vanhu nekuimba nziyo dzinovapa tariro,” anodaro Nenguwo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey