‘Vechidiki siyanai nezvinodhaka’

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
‘Vechidiki siyanai nezvinodhaka’ Stanley Kaviya

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO renhabvu yevechidiki reMbare Junior League rorwisa kutorwa kwezvinodhaka izvo zvinovakanganisa hupenyu uye neremangwana ravo.

Mbare Junior League yakavambwa mugore ra2002 nechinangwa chekusimudzira vatambi venhabvu vechidiki vachiwaniswa mukana wekugadzira mazita avo.

Vamwe vane mukurumbira vakambotamba muligi iri vanosanganisira Edward Sadomba, Farai Madhanhanga naNever Tigere.

Asi vamwe vanozokundikana kuenda kure mumutambo uyu nekuda kwekutora zvinodhaka muviri zvisingatenderwe zvinosanganisira mbanje, bronco nemusombodhiya.

Sachigaro weMbare Junior League, Stanley Kaviya uyo anotungamira chikwata cheReal Stars FC, anoti chinangwa chikuru chavari kunyanyoshanda nacho kukurudzira vechidiki kuti vasatore zvinodhaka.

“MuMbare mune vana vakawanda vanotamba nhabvu zvinonwisa mvura asi vari kutadziswa kuenda kure mumutambo uyu nekuda kwekutora zvinodhaka muviri.

Saka isu tiri kufamba nedingindira rekuti ‘Kwete kune Zvinodhaka (No to Drugs) iro tinoona kuti rinobatsira chaizvo mukurwisa kuti vana vasiyane nekutora zvinodhaka uye vararame hupenyu hwakajeka.

“Vakawanda vataiona vaitamba nhabvu zvainwisa mvura asi iye zvino mukavaona munonzwa tsitsi, vakashaya kurudziro yakanaka muhupenyu hwavo.

“Saka isu ndizvo tiri kuzama kuita kuvabatsira kuti vaitewo chinobatika muhupenyu hwavo,” anodaro Kaviya.

Anoti vari kushanda nevaimbi vane mukurumbira vakaita saPeter Moyo naAmmara Brown avo vanopanga mazano kune vechidiki pamusoro pekuipa kwekutora zvinodhaka.

“Tine chirongwa chatinacho chatiri kushanda nevaimbi vakasiyana avo tinombokoka kuti vauye kuzokurukura nevana vachivapa dzidziso yakanaka kuti vasatore zvinodhaka nekuti hapana chavanowana kubva mukutora zvinodhaka,” anodaro.

MuMbare Junior League mune zvikwata 12 zvinokwikwidzamo zvemazera kubva paUnder 10, 12, 14 ne16.

Share This:

Sponsored Links