‘Vechidiki siyanai nezvinodhaka’

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
‘Vechidiki siyanai nezvinodhaka’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa — MUIMBI ari kusimukira mumusambo weZimfusion – Kudzie Savanhu – anoti vechidiki vanofanira kuzvichengetedza vosiyana nekutora zvinodhaka sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.

Savanhu anotaura mashoko aya mushure mekubura kambo kake kanonzi “Handei Kure”.

“Vechidiki mazuvano vava kuvarairwa pamwe nekunakirwa nezvinouraya ramangwana ravo. Vazhinji vavo vave kutora zvinodhaka, kunyanya vakomana kuchitiwo vasikana vari kuita zvevakomana nekudanana nevanhu vakuru kwavari nekuda mari. Zvese izvi zviri kupa vechidiki sarudzo dzinouraya hupenyu hwavo uye ramangwana ravo,” anodaro Savanhu.

Savanhu anoti nziyo dzake dzakanangana nekudzidzisa vechidiki tsika nemagariro uye dzimwe dzacho ndedzerudo.

Anoti shuviro yake ndeyekuona ramangwana revechidiki rakanaka.

Savanhu anoti kambo kake katsva aka – “Handei Kure” – ndekerudo uye kari pamusoro pevanhu vanodanana vaine tarisiro yekuzosvika pakuroorana pasina kutambisirana nguva.

“Nerimwe divi, kanodzidzisawo kunyanya vanasikana kuti varonge nzira dzavo dzerudo vachitarisira michato kwete zvenguva diki kana kunakirwa. Ichenjedzo kumwanasikana kuti azvichengetedze aone kukosha kwehusikana kwete kuzopedzisira apihwa pamuviri asina kutarisira zvinozoita kuti apedzisire atadza kuroorwa,” anodaro Savanhu.

Zvakadai, Savanhu anoti ari kutarisira kubuditsa dambarefu rake rechipiri munguva pfupi iri kutevera iro richange riine nziyo nomwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey