Vechidiki vodzidziswa mabasa ekurima

24 Sep, 2021 - 08:09 0 Views
Vechidiki vodzidziswa mabasa ekurima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVICHITEVERA kukanganiswa kweraramo yevechidiki vakawanda nekuda kwechirwere cheCovid-19 apo vamwe vavo vari kusiira chikoro panzira, kutora zvinodhaka, humbavha nezvimwe zvakaipa, sangano reHivos raona zvakakodzera kutora matanho ekuvafundisa mabhindauko ekurima.

Kubvira nemusi weChitatu kusvika China chesvondo rino, sangano iri range richitenderera nevechidiki munzvimbo dzakasiyana richivadzidzisa mabasa ekurima izvo zvichavabatsira kuti vasandure upenyu hwavo.

Vachitaura neKwayedza mushure mekushanyira muzinda weUtano Community Hall uri mumusha weZengeza, kuChitungwiza uyo une mukurumbira wekurima nerutsigiro rweDreams HIV and AIDS Youth Network, Mai Tariro Chikwanha vanova director wesangano iri vanoti vechidiki vakawanda vanobva kumisha inotambura vari kubatsirikana nemabhindauko aya.

“Ini ndiri kurarama neHIV kubvira mugore ra1997 kureva kuti ndava nemakore 20 ndiine hutachiona uhwu. Ndiri kutora mishonga yangu yemaARV asi ndinokoshesa kudya kwechivanhu nekuti ndiko kunobatsira mukutanda zvirwere zvakadai seshuga, bp nezvimwe.

“Kudya uku kunobva mukurima, ndiko kusaka ndiri kufundisa vechidiki vanosvika 390 pano nyaya dzekurima kuitira kuti vasangotenderera munharaunda vachitora zvinodhaka,” vanodaro.

Mai Tariro Chikwanha

Mai Chikwanha vanoenderera mberi vachiti, “Kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 kunoreva kuti nyaya dzekufamba-famba dzaderera nekuda kwelockdown asi apo vanhu vanenge vakahwanda Covid-19 kudaro, vanoda kudya kunobva mukurima. Saka ndiwo mukana mukuru watiri kutora apo tinorima tichitengesa zvirimwa zvedu muno zvinova zvinoderedza mikana yekutenga zvinhu zvinobva kune dzimwe nyika.”

Muchirongwa ichi vanoti mune vechidiki vanove nherera, vane vabereki asi vachibva kumhuri dzinotambura, vanorarama nehutachiona hweHIV nevakaremara.

Achitaurawo pachiitiko ichi, Leeroy Ndambi anova Junior MP weZengeza West anoti zvirongwa zvekurima izvi zviri kubatsira vechidiki munyaya dzebudiriro yavo.

“Pano tine Green House ine matomatisi emhando yepamusoro ari kurimwa nevechidiki vari muboka reDreams zvinoita kuti vawane mari inovabatsira muupenyu hwavo sekubhadhara mari yechikoro, kuwana zvipfeko nekudya. Vechidiki vakawanda vanga vava kutora zvinodhaka nekushaya zvekuita asi kana vakaita mabhindauko emhando iyi, vanowana zvinovavaraidza sevanhu vachine simba rakawanda,” anodaro.

Leeroy Ndambi

Mai Memory Kanyati vanova provincial manager weZimbabwe Youth Council vanoti vanofara nemabasa ari kuitwa nevechidiki.

“Kushandiswa kwemitoriro, zvikuru munguva yelockdown kunowanda kureva kuti vechidiki vanenge vasina zvekuita. Semuno muChitungwiza, mune nzvimbo dzinotozivikanwa nenhau idzi uye kuburikidza nemabhindauko ekurima tinovimba kuti zvichaderera,” vanodaro.

Mumwe wevechidiki ari kubatsirika mumabhindauko aya, Courage Shumba (22) wekwaSeke, anoti atova neruzivo rwakanyanya rwekurima hanyanisi uye dziri kumupa mari yakawanda.

“Kwandinogara kwaSeke ndine munda wandinorima hanyanisi zvekuti ndava kutodaidzwa nemakasitoma angu kuMr Hanyanisi nekuda kwehanyanisi dzemhando yepamusoro dzandinorima,” anodaro.

Vaive pachirongwa ichi vanosanganisira vadzidzi vepaSharon Cohen Special School, Vana Vedu Trust nenhengo dzeChitungwiza Youth Hub.

Share This:

Sponsored Links