Uncategorized

Vechidiki vopangwa mazano

26 Feb, 2021 - 00:02 0 Views
Vechidiki vopangwa mazano First Lady Amai Mnangagwa vachidzidzisa vanasikana kuundura huku pachivanhu pasi pechirongwa cheDzidziso yaAmai munhanga/mugota/ixiba pamusha waMambo Nhema, kuMasvingo.

Kwayedza

Tendai Rupapa ari kuMASVINGO
MADZISHE nevanhu vechikuru vari kutambira nemaoko maviri chirongwa chakatangwa nemudzimai wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa chinonzi Nhanga/Gota/Ixiba icho chakananga kudzidzisa vanasikana nevanakomana tsika dzakanaka uye kuti vasiyane nekupinda pabonde vasati vabva zera uye kuti vasatora zvinodhaka.

Amai Mnangagwa vari kukurudzira kuti vechidiki vadzokere pakurarama kwakanaka maringe netsika dzine hunhu sezvaiitwa kare.

Chirongwa ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rinonzi “Dzidziso yaAmai munhanga/mugota/ixiba yevachirikuyaruka”, uye vechikuru vanoita basa ravo rekupanga mazano akanaka kune vechidiki vachivadzidzisa pamusoro pezvinoitwa nezvisingaitwe.

Pakuparurwa kwechirongwa ichi pamusha waMambo Nhema VaRanganai Nhema, kuZaka, nemusi weMugovera wadarika, Amai Mnangagwa vakabatsirwa naGogo Fadzai Bwawanda-Nhema vanove amai vamambo pamwe chete nemudzimai wamambo — Mai Portia Nhema — mudzimai waMambo Mazungunye vekuBikita, Mai Chiyedza Maipisi, mudzimai waMambo Ndanga, Mai Patricia Makono nemudzimai waMambo Bere, Mai Susan Bere.

Mitemo yose yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 yakatevedzwa pachiitiko ichi.

Panyaya yegota, vanakomana vaipangwa mazano nemadzimambo pamwe chete Cde Ezra Chadzamira vanove gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMasvingo.

Musikana uyu aidzidzira kukuya chimera.

Panhanga, Amai Mnangagwa vakasarudza vasikana vanove vamiriri (ambassadors) vechirongwa ichi ndokuvapa mabasa ekudzidzisa vamwe munharaunda dzavo nemuzvikoro uye vachazovakoka kana vave nezvikwata zvavanenge vaumba kuti vazoongorora kana dzidziso yavari kupihwa iri kuendeka.

Vana ava vakabva kunzvimbo dzakasiyana mudunhu reMasvingo.

Amai Mnangagwa vakatanga dzidziso yavo nekubvunza kuti nhanga iri pamusoro pei.

Vamwe vakapindura vachiti imba inorara vasikana asi vamwe ndokuti havazive kuti chii.

“Tauya kuzokudzidzisai uye nekukuyeuchidzai sevanasikana nevazukuru kuti mamakosha,” vanodaro Amai Mnangagwa.

“Tinoda kuve nehwaro hwakasimba kuti mukwanise kudzivirira nekuchengetedza miviri yenyu. Tinoda zvakare kuziva kuti muri kuita mabasa amunotarisirwa kuita kudzimba here uye kuti munodyidzana sei nevechikuru nekuti muri kuzvichengeta makachena here. Tinoda zvakare kuziva kuti muchiri kukoshesa nyaya dzedzidzo here.”

Mudzimai waMambo Mazungunye, Mai Chiyedza Maipisi, vakanyunyuta vachiti vamwe vanasikana vave kuzvitutumadza uye vanonetsa kuvatuma mabasa epamusha.

“Vana vemazuva ano vanonetsa kutuma mabasa uye vanogunun’una zvakanyanya vachiti vari kunetswa,” vanodaro.

“Maitiro akadai haagamuchirwe zvachose, ndizvo zvimwe zvatuma First Lady kuti vatishanyire uye vatange chirongwa ichi.”

Mbuya Nhema vanotsinhira vachiti chirongwa chaAmai Mnangagwa chauya panguva yakanaka apo vange varasa tariro vasisazive kuti vopanga mazano sei kuvana.

“Takanga tarasa tariro uye tisisazive kuti tokudzorai sei, vana vedu vadiki,” vanodaro.

“Tinotenda First Lady nekuuya nechirongwa ichi. Chishuwo chavo kuti vatidzoreredze kumararamiro edu akanaka ekare.

“Vamwe venyu hamucharemekedza vakuru uye mapfekero enyu anokatyamadza.”

Share This:

Sponsored Links