Uncategorized

Vechikuru voshungurudzwa…Vonangwa huroyi nen’anga matsotsi…Vachitorerwa pfuma yavo semuripo

26 Feb, 2021 - 00:02 0 Views
Vechikuru voshungurudzwa…Vonangwa huroyi nen’anga matsotsi…Vachitorerwa pfuma yavo semuripo Mbuya Merita Chingwaru (kurudyi) nenyoka yavakaiswa muhuro naTsikamutanda ‘Sekuru Gondo’.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAGARI vekuSanyati nekuGokwe — kunyanya chembere neharahwa — vanonzi vaoneswa nhamo nekushungurudzwa nen’anga dzemanyepo idzo dziri kufamba ikoko dziine zvinhu zvakaita senyoka dzavanokandira vanhu mudzimba, dzichitsigirwa nemamwe masabhuku nemadzishe, pakupumha vanhu huroyi.

Mitemo yenyika ino haitendere n’anga nemaporofita vemanyepo ava kufamba vachiita hutsikamutanda apo vanopumha vanhu huroyi — mushure vovarozva nekuvatorera pfuma yavo yakaita sezvipfuyo semuripo.

Vanhu vechikuru ndivo vanyanya kushungurudzwa nen’anga dzemanyepo idzi sezvo — kuchembera kwavo yava mhosva — apo vari kunangwa huroyi votambudzwa pajekerere nanatsikamutanda ava.

Panenge pachiitika izvi, chembere idzi dzinokandirwa mishonga nezvimwe zvinhu senyoka mudzimba, zvozoburitswa apo vanonzi varoyi uye vachimbunyikidzwa kureurura pajekerere apo vechidiki vanenge vachivatora mavhidhiyo nemifananidzo zvekuzovanyadzisa padandemutande.

Nguva pfupi ichangodarika, imwe chembere ine makore 71 ekuberekwa yekwaMambo Neuso, kuSanyati, inonzi yakapedza nguva inodarika maminetsi 30 yakamonererwa nyoka yerudzi rwemhungu muhuro nemumwe tsikamutanda anetsa kunzvimbo iyi ichinzi inofanirwa kureurura mabasa ehuroyi ayo aisingaite asi ayaipomerwa.

Izvi zvakaitika veruzhinji vakaungana uye vachipemberera nekutora mifananidzo.

Vanatsikamutanda vanonzi kazhinji vanoshanda nemasabhuku nemadzishe avo vanopihwawo mari, zvipfuwo nezvimwe zvinhu zvinenge zvatorwa nechisimba kuvanhu vanenge vachipomerwa kunzi vanoroya.

Manenji echembere yekumonererwa nyoka muhuro anonzi akaitika mubhuku raChihowa apo Mbuya Merita Chingwaru vakasangana nekushungurudzwa uku.

Chembere iyi inoti yakanganiswa zvikuru munharaunda nezvayakaitwa nen’anga dzemanyepo idzi.

“Nyaya iyi yakaitika svondo radarika apo ndakangonzwa kuti pamusha pemumwe muvakidzani wangu, uyo anozivikanwa nekuti Baba Dhilo, akanga adaidza vanatsikamutanda vane mukuru wavo anonzi Sekuru Gondo kuti vazodzura zvinhu zvaive pamusha wavo. Saka munhu wose muraini akanzi aisungirwa kuendako sekukokerwa kwazvakaitwa.

“Ini semunhu agara aine chirwere cheBP, ndakaona zvisina kukodzera kuti ndiende panoungana vanhu, zvikuru munguva ino yechirwere cheCovid-19,” Mbuya Chingwaru vanoudza Kwayedza.

Vanoti vakazosarudza kuendako vanhu vava vashoma ndokusvika pamusha uyu zuva rakatevera.

“Pandakangoti ndichipinda pachivanze ndipo pandakanzwa tsikamutanda uya wavaiti Sekuru Gondo achidaidzira kuti tazvibata muchazviona, pindai henyu muroyi. Gaurai maoko, makaregedzerei kuuya pazuva rekutanga paine chaunga?

“Ndakavabvunza kuti chikonzero chei mandiita muroyi ini ndisina kumbobata mushonga kana ropa remunhu? Vakandipindura vachiti pamwe ndezvekudzinza kwenyu kune vakakupai (huroyi) imi musingazivi.

“Pasina nguva, ndakabva ndanzi batai tsvimbo iyi musairegedze, ini ndikaibata kwemaminitsi anodarika 45. Saka ndakatanga kurwadziwa maoko semunhu akwegura ndichibva ndavaudza asi havana kuzviterera uye vanhu vakanga vachiimba vakandikomberedza,” vanodaro Mbuya Chingwaru.

Vanoti zvichitevera marwadzo ekubatiswa tsvimbo kwenguva refu, vakasvika pakuikanda pasi asi tsikamutanda uye akaramba achivati vainhonge uye vaibate zvakasimba.

“Ndakazopinzwa mumba maive nemachira emavara matsvuku, machena nematema. Vanatsikamutanda vaye ndokutanga kutenderera vachisvetuka-svetuka varimo, ndipo pavakaburitsa zinyoka rerudzi rwemhungu ndokundimonera naro muhuro asi vakabata musoro wayo apo mumwe mutumbi wayo vakabva vaupfekera muhembe yangu.

“Vakatanga kudaidzira kuchaunga vachiti munzvimbo muno mune munhu akafa mushure mekurumwa nenyoka, saka nyoka yacho ndiyoyi iri muhuro memuridzi wayo (kureva mbuya iyi),” vanodaro.

Mbuya Chingwaru vanoenderera mberi nekutsanangudza: “Vanhu nekuzivawo mumwe murume akashaya makore adarika arumwa nenyoka uyo ainzi Givhivha wandaitozivawo neni, vakabva vatsinhirana natsikamutanda kuti ichokwadi chaaitaura.

“Ini ndakarambisisa pamberi pechaunga ichi kuti handina munhu wandakauraya uye handisi muroyi. Vanatsikamutanda ava vakabva vati kana muri kuramba kuti hamusi muroyi chiendai nenyoka yenyu kumba kwenyu, ndikati handirambe kuenda nayo kana mati ndeyangu nokuti ndini ndinenge ndiri kufanira kunoipa chikafu uye ndinoda kukwidza nyaya kumusoro kuvakuru veZinatha kuti ndivhenekwewo huroyi hwangu nevarapi vakuru.

“Vachinzwa izvi, vakabva vatora nyoka iya vachindisiya ndichienda kumba, asi paiitika zvose izvi, musoro wenyoka vainge vakaubata.” Mbuya Chingwaru vanoti vakatombobvunza tsikamutana uyu kuti sei akanga achiramba akabata musoro wenyoka iyi kana yaive yavo asi haana kupindurwa kunze kwekungoramba achivapumha huroyi.

“Nyoka iyi yakandibvarurira kora yehembe yangu uye huro yangu yakasara yasvuuka nekukweshwa nemakwati ayo. Ndakaenda kumapurisa emunharaunda yedu ndikanomhan’ara nyaya iyi vakanditi vachauya kumba vanzwe zvizere, asi kusvika nanhasi havasati vauya. Apa vanatsikamutanda vaye havachaonekwa kana ngoma dzavaisiridza mazuva ose hadzichanzwikwa,” vanodaro.

Mbuya Chingwaru vanoti havana mufaro kubva musi waitika chiitiko ichi zvekuti pamwe pacho vanotombopindwa nepfungwa yekuda kuzviuraya.

“Ndinotenda kune vamwe vatendi vekereke yeZaoga avo vakandishanyira pamusha pangu apo ndinogara negotwe rangu vakandinamatira nekundipanga mazano. Kana kumagadheni ndanga ndisingachaendi nekuti vanhu vekumhuri yakafiwa nemunhu mushure mekurumwa nenyoka vari kutofunga kundirova pamwe nevamwe vemunharaunda vakanzwa mashoko akaipa pamusoro pangu nekuda kwatsikamutanda uyu,” vanodaro Mbuya Chingwaru.

Votaura pamusoro penyaya iyi, Mambo Neuso VaTitos Mdzimiri vanorambisisa mashoko ari kutaurwa nevagari vemunzvimbo yavo ekuti vaivepo pakaitika izvi vachikomekedza kuti chembere iyi ibvume mhosva yainopomerwa yehuroyi.

“Nyaya iyi handiizive nekuti ndainge ndisipo uye dunhu rangu rakakura. Handingarambe, vanatsikamutanda vanofamba muno, asi ini handingawanikwe ndiri pose-pose pavanenge vachiita mabasa avo. Kana ndanzwa zvizere pamusoro penyaya iyi ndichakufonerai,” vanodaro mambo ava.

 

 

Share This:

Sponsored Links