Uncategorized

Vekuita chiname pa‘lodge’ vave nani

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Vekuita chiname pa‘lodge’ vave nani Tafadzwa Chiwonde (left) na Farai Manyati (right)

Kwayedza

Kingstone Mapupu
BABAMUDIKI naamaiguru mukadzi wemukoma — avo svondo rapera vakanamirana paimwe “lodge” iri mumusha weEastlea, muHarare, apo vainge vambonosasana — vanonzi vave kunzwa zviri nani mushure mekunge vamboita manyoka nekurutsa.

Kwayedza haisati yaziva kuti murume wemukadzi uyu, mukoma wababamudiki, ari kuti kudii nezvakaitwa nevaviri ava apo iye aive kubasa kuDemocratic Republic of Congo (DRC).

Kwayedza yesvondo rapera yakaburitsa nyaya yaFarai Manyati (36) nemuramu wake Tafadzwa Chiwombe (35) avo vanonzi vakaita maawa maviri vakaita chiname pa”lodge” apo vainge vambonodya nyika rutivi.

Amai vaChiwombe nevemurume waManyati mukoma nemunin’ina.

Mushure mekunge vaviri ava vanamirana — apo vaibongomora mhere vachichema – vakazotsvaga rubatsiro kusangano rinomirira vanachiremba vechivanhu, reZinatha, iro rakavapa imwe n’anga inogara mumusha weTynwald North, muHarare, kuti ivabatsire.

Pavakaitwa navo hurukuro nevatori venhau svondo rapera, vaviri ava vaingosvimha misodzi kuchema vachiti kunze kwekurutsa, vaidurura manyoka nekurwadziwa nemudumbu vachijuja dikita raipisa.

Apa vainge vachigara kumba kwen’anga yange ichivarapa iyi.

Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti vaviri ava vakarapwa uye vave kunzwa zviri nani.

“Sekutaura kwatakaita svondo rapera, vaviri ava vakabatsirwa nemumwe chiremba wedu apo vaitogara kumba kwake vachirapwa. Vakaita mazuva matanhatu variko.

“Vange vachiita manyoka akasimba nekurutsa asi vakazoita zvakanaka ndokunzi vachidzokera kumba kwavo.

‘‘Sekuziva kwangu, kubva ipapo murume wemudzimai uyu anonzi haasati auya asi pane runyerekupe rwunoti nyaya iyi ava kuiziva,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti kunyangwe amaiguru nababamudiki ava vakakumbira Zinatha kuti izovayananisa kana murume wemukadzi uyu azodzoka, ivo vakavapa zano rekuti vatsvage vakuru mumhuri mavo kuti vavabatsire pakugadzirisa nyaya iyi.

“Nyaya dzakadai dzine makuva nekukuvadzana, saka isu seZinatha chatakaita kuita kuti varapwe vakwanise kurarama. Kuti tichapindira pakati penyaya yekuti babamudiki naamaiguru vaiita chipfambi, hatichakwanisa,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoyambira vanhu vari muwanano kuti vagutsikane nevadikani vavo.

“Rukawo kana runyoka rwunouraya saka iyambiro yedu kuvarume nevakadzi vari muwanano kuti musadanane nevamwe kunze uko, munofa. Ehe, munhu akavaka musha wake anoisawo ruzhowa kana durawall,” vanodaro.

Kwayedza yakaedza kuridzira nhare Manyati asi haana kubatika zvachose.

Asi muhurukuro yakaitwa neKwayedza naManyati svondo radarika, anoti akasvika pakudanana nemuramu wake nekuda kwekuti murume wake – uyo anoshanda semutyairi wemagonyeti – anogara nguva zhinji asipo pamba.

Chiwombe haana kuda kutaura zvakawanda achiti aive achirwadziwa zvikuru nekuda kwekunamirana kwaakaita naamaiguru vake.

Share This:

Sponsored Links