Uncategorized

Vemabhizimisi vorumbidza rusununguko

17 Apr, 2019 - 16:04 0 Views
Vemabhizimisi vorumbidza rusununguko Mai Maureen Nyemba

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANAMUZVINABHIZIMISI vanorumbidza kuwana kwakaita Zimbabwe rusununguko rwekuzvitonga kuzere vachiti izvi zvapa mukana kuvanhu vatema wekuti vavambe mabhizimisi avo vachizvishandira kusiyana nakare apo nyika ino yaive pasi pehutongi hwevachena.

Mai Chido Boka Nyakudya vanova managing director kuBoka Tobacco Auction Floors (BTF) vanoti kuvapo kwekambani yavo zvibereko zverusununguko ruzere.

“Hakuna mutema aibvumidzwa kuita kambani yakaita seyedu kunze kwevachena. Kuburikidza nababa vedu – muchakabvu VaRodger Marume Boka – vakavamba bhizimisi rino vawaniswa mukana nekuda kwerusununguko. Hezvo nhasi tiri pano semhuri yekwaBoka nevamwe vatinoshanda navo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “VaRodger Boka vakatanga kurwisana nevachena kuti mutema akwanisewo kurima fodya shungu dzavo ndokuzozadzikiswa nekuvaka musika wekutengesa fodya unova ndiwo mukuru pasi rose. Tinorangarira vakafira nyika ino nevapenyu vakairwira tichiti ngatishandei pamwe chete,” vanodaro Mai Nyakudya.

Vanorumbidza Hurumende nekuda kwemikana yave kupihwa vanhukadzi yekutungamirira mapazi akasiyana.

Muzvinabhizimisi anozivikanwa zvikuru munyika muno munyaya dzezvitoro, Mai Maureen Nyemba, vanoti dai pasina kuzvitonga kuzere, vangadai vasiri pavari nhasi uno.

Mai Chido Nyakudya

“Ini ndaishanda muchimwe chitoro chikuru chinotengesa mbatya kuma1970 apo tairambidzwa kupinda muchimbuzi chaishandiswa nevachena, pakunwa svutugadzike isu tainwira mumakapu esimbi ivo vachena vachinwira mumakapu edhaka,” vanodaro.

Vanoti muzvimbuzi zvevachena zvaiva zvakanyorwa pamusiwo kuti “No blacks please”, apo ivo vanoti vaishandisa zvimbuzi zvemakomba zvekuseri kwezvitoro zvavaishandira.

Mai Nyemba vanoti nyika yawana kuzvitonga kuzere zvisinei kuti vakanga vave shirikadzi vafirwa nemurume, vakazokwanisa kuvamba zvitoro zvavo zvine mbiri munyika muno zvinodaidzwa kuti Beta Balls.

“Kubva murusununguko nekubatsirwa nevamwe, ndakakwanisa kutanga zvitoro zvangu mushure mekumboita zvekutengesa ndichihodha zvinhu kubva kunze ndichitora zvikwereti kumabhanga. Izvo chete zvaikwaniswa kuitwa nevachena tisati tasununguka,” vanodaro.

Kuchitiwo VaInnocent Utsiwegota vemuHarare — avo vanove muimbi vari muzvinhabhizimisi zvakare — vanoti hakuna chinhu chinodarika kuwana kwakaita nyika kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

“Zvose zvimwe zvinhu zvinozouya kumashure kwekuzvitonga kuzere. Ini ndakazotanga kuimba kuburikidza nekuwaniswa mukana nerusununguko rwenyika, tikapindawo mumabhizimisi emigodhi nemakambani ematombo, marori tinawo nezvimwe, kuburikidza nekuzvitonga kuzere kwevatema,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links