Uncategorized

Vende rekudya nzimbe

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Vende rekudya nzimbe Steven “Dyson” Kaitano

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yemutambo wemadhirama, Steven Kaitano – uyo vazhinji vanoziva saDyson padhirama Mawoko Matema – anoti kunyangwe zvazvo vanhu vachimuona paterevhizheni serema kana kuti fuza, matenga amuzarukira mubasa rake rekugadzira vanhukadzi misoro nekuimba. Dyson – uyo akazvarwa mugore ra1984 mumusha weMbare, muHarare – mumwe wevatambi vemadhirama vari kusimukira.

Muchinda uyu anoti dhirama Mawoko Matema ramupa mbiri zvekuti basa rake rekuruka misoro rapfumbira.

“Kubva pandakatanga kubuda padhirama Mawoko Matema, bhizimisi rangu rakura, vanhu vakawanda vari kubva kunzvimbo dzakaita seChinhoyi kuuya kuzogadzirwa misoro neni,” anodaro Dyson.

Pari zvino Dyson ari kugara kuBudiriro, muHarare, uko anorukira misoro.

Anoti zvemadhirama zvakange zvisiri maari achikura, asi akazvitanga padhirama Mawoko Matema mushure mekunge akurudzirwa naIan Mugomba, anove producer wedhirama iri.

Muhurukuro neKwayedza, Dyson anoti akakura achida chaizvo kuva muimbi uye akatombotsikisa mhanzi, nekudaro ave kushandisa mbiri yaaita mumadhirama kushambadza mhanzi yake.

“Chinhu chandaida chaizvo kuita kuve muimbi asi ndakazoona ndave kuita zvemadhirama. Ndiri kutoshandisa mbiri yandava nayo kutsikisa mhanzi yangu.

“Mukana unouya nepausingafungire, ini ndave kutoshandisa mukana wemadhirama kutsikisa mhanzi uye kubika DVD renziyo dzangu,” anodaro.

Anoti madhirama haabhadhare asi anovhurira munhu mikana yakasiyana sekuzokwanisa kuwana mabasa ekushambadza nemakambani akasiyana.

“Chokwadi chaicho ndechekuti madhirama aya haabhadhare, haana mari saka unotofanirwa kuve une rimwe basa raunoita kana uchida kuti zvikufambire muupenyu.

“Ukasadaro, unofa nenzara.

“Ini hangu ndinopupura kuti madhirama andivhurira mikana yakasiyana uye ndave kuwana mamwe mabasa kuburikidza nawo.”

Vazhinji vanoziva Dyson nemazivende ake – guru repamusoro neriri pazasi. Vamwe vangade kuziva kuti mazino ake akambobva sei.

“Zino rangu repamusoro rakabviswa mugore ra2015 nachiremba sezvo raindirwadza. Asi repazasi rakabva ndichidya nzimbe,” anodaro achiseka-seka zvake.

Zvisinei, Dyson – uyo anozivikanwa nekubongomora achichemera musikana waanoda, Melissa – haana kuda kutaura zvakawanda nezvemhuri yake kunze kwekungoti ane mwana mukomana anonzi Kelvin uyo anobudawo zvakare padhirama Mawoko Matema.

Anoti kumhuri kwake havachatomushevedze nezita rekuti Steven, asi rebasa rekuti Dyson uye vanoyemura basa rake.

“Kumba ndini ndiri kuraramisa mhuri saka vanonditsigira zvikuru mubasa rangu. Vave kungonditi Dyson zvinoratidza kuyemura kwavanoita basa rangu nekuti zita iroro ndiro riri kuvaunzira chekudya zuva nezuva.

“Kubva pandatanga kunzi Dyson, kana shamwari chaidzo dzabva dzawanda,” anodaro mutambi anobuda paterevhizheni achingoruma-ruma rurimi rwake uyu.

Share This:

Sponsored Links