Uncategorized

Veruzhinji vari mudzimba

31 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Veruzhinji vari mudzimba President Mnangagwa

Kwayedza

Vanyori veKwayedza
VERUZHINJI vatevedzera zvakataurwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa kuti vagare mudzimba kwemasvondo matatu anotevera sedanho rekurwisa nekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuvamba nemusi weMuvhuro, 30 Kurume.

Nezuro — zuva rekutanga renguva yakatarwa kuti vanhu vagare mudzimba — pakati peguta reHarare, apo nguva zhinji panogara veruzhinji vari besanwa, painge pasina vanhu vaifamba-famba.

Nemusi weChishanu wadarika, President Mnangagwa vakatara Muvhuro uno sezuva rekutanga renguva iyo vanhu vachagara mudzimba.

Vanhu vakataura neKwayedza vanotambira danho iri vachiti iyi ndiyo nzira bedzi ichaderedza kupararira nekutapurirana kweCovid-19 naizvozvo vatotanga kugara mudzimba.

Bepanhau rino rakaita ongororo ndokuona kuti mapurisa akawanda mumigwagwa nemudzimwe nzvimbo zvisinei nekuti kune vamwe vanhu, kunyanya vedzimotokari, vakabuda mudzimba vachifambira zvakasiyana.

Asi pakati peguta reHarare nezuro pakanga paine runyararo uye vanhu vashoma ndivo vakaonekwa vachifamba. Zvitoro zvizhinji zvakavhara kusanganisira zvimwe zvinotengesa zvekudya nemishonga yekurapa.

Mabhazi eZupco — ayo ari kutenderwa kufamba panguva iyi — ndiwo bedzi aitakura vanhu pamwe chete neanotakura vashandi veHurumende.

Mabhazi aya aitakura vanhu vashoma avo vaigara vakataramukana sezvinodiwa kudzivirira kutapurirana Covid-19. Ainge asingade vanhu vanofamba vakamiramo.

Muzvitoro zvishoma zvakavhura, vanhu vaivemo vaiva vashoma.

Mumusha weHighfield, mapurisa ekanzuru akaonekwa nguva dzemangwanani achidzinga veruzhinji vainge vatanga kuungana kumusika unotengeswa zvirimwa uri kuLusaka.

Mumwe wevakataura neKwayedza, Mbuya Rosemary Mwerenga avo vanogara kuBudiriro, vanoti vari kutevedzera danho rakatorwa neHurumende sezvo zvichichengetedza veruzhinji kubva mukutapurirana Covid-19. Vanoti izvi zvinoderedzawo kufa kwevanhu sezvo kunyika zhinji vanhu vapera nedenda iri.

“Tinofanira kutevedzera nekuti zvinoita kuti tisawirwe nenjodzi sezvatiri kuona kune dzimwe nyika. Denda iri rinotipedza zvechokwadi, vanhu tinopera,” vanodaro Mbuya Mwerenga.

Zvisinei, vanoti veruzhinji vakapihwa nguva pfupi yekugadzirira kugara mudzimba.

KuChitungwiza, vanhu vakaonekwa vakaunga muzvibhorani vachitsvaga mvura iyo yava nenguva refu isingabude pamapombi. Vamwewo vaitsvaga gas rekubikisa uye masaisai eWifi emahara paSeke Teachers’ College.

Kune vamwewo varume vakafumira kunwa doro pazvitoro zvepaTaita, kuUnit O, avo vakadzingwapo nemapurisa.

KuMhondoro, VaFarai Mhariwa (45) vekwaDzumbunu, vanoti vazhinji vemunzvimbo iyi vari kutevedzera zvakatorwa neHurumende. Vanoti utano hunokosha kukunda zvose.

VaMartin Maridzanyere vekuDema, kwaSeke, avo vanova muzvinabhizimisi vanotiwo vakambomira kutengesa.

“Danho iri rakanaka pakudzivirira kuparadzirwa kweCovid-19 asi ratiuraya pabhizimisi. Dai tapota tichipihwa kamukana kadiki kekuti tomboita basa redu tichivhara pane kubva tavhara zuva rose,” vanodaro.

Kuchiti mutambi wechikwata chenyika chemaWarriors pamwe chete necheLusaka Dynamos chekuZambia, Dennis Dauda anoti: “Chero kuZambia, vanhu havasi kuenda kumabasa senzira yekuderedza kuparadzirwa kweCovid-19. Asi hazvo hazvinakidze kungoswera uri woga. Nguva dzakadai ndinoshuvira kunge ndiri kumusha kuZimbabwe ndiine mhuri yangu uye ndichionana nehama neshamwari.”

Dauda anoti Covid-19 yauraya basa zvakanyanya sezvo pasisina nguva yekugadzirira mutambo. Asi anokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zviri kudiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey