Uncategorized

Veruzhinji vochema nemitengo

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Veruzhinji vochema nemitengo VaMutashu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kuchema-chema nekukwira zvisina tsarukano kwemitengo yezvinhu vachiti mari dzavo hadzichaenderana nezvavanoda mukurarama.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo mune zvimwe zvitoro zvemuHarare ikaona kuti mitengo yezvekudya yakakwidzwa inosanganisira yeshuga, mafuta ekubikisa, upfu, mupunga uyewo sipo.

Mutengo we2kg yemupunga wakachipa wakabva pa$2,20 kuenda pa$$2,99, sipo yekuwachisa 1kg ikabva pa$1,05 kuenda pa$1,59 uyewo doro remhando yeAmarula rava kuita $17,49 richibva pa$14,50.

Mafuta $3.85

Kwayedza yakaitawo hurukuro nevamwe vanhu avo vanoti kudai Hurumende yachipindira panyaya yemitengo yezvinhu.

Mai Viginia Malunga vekuEpworth vanoti zvinhu zviri kungomuka zvave nemitengo iri pamusoro.

Mai Viginia Malunga

“Pafungeiwo kuti zvimwe zvitoro zvave kutengesa 2 litres yemafuta ekubikisa ne$4,50 kubva pa$3,30 apowo 2kg yeSurf yakabva pa$4 kuenda pa$6,50 kuchizoti 10kgs yeupfu yava kuita $6,50 muzvimwe zvitoro ichibva pa$3,50.

“Kukwira kwemitengo kwacho kwanyanya, pave kudiwa matanho ekuzvimisa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsigirwa naMai Anesu Makanha vemuHarare vachiti, “Tinochema kuti kudai vemabhengi vaita kuti mari iwanikwe sezvo kunyanya kushandiswa kwemari dzepurasitiki kuri kuita kuti vatengi varohwe pasi petsoka (kudhurirwa).”

Mai Anesu Makanha

VaDenford Mutashu, avo vanova mutungamiriri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, vanotsinhira nezvekukwira kwemitengo yezvinhu muzvitoro vachiti iri kukwira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Hongu, zvinhu zvakwira zvakanyanya mumasvondo maviri adarika. Tine chivimbo chekuti zvinhu zvichagadzirisika nekukasika.

“Tine vatsigiri vakawanda vane chido chekuvamba mabhizinesi muno, saka zvava pachena kuti vave kutouya kuzotanga basa kuitira kuti tive nezvinhu zvatinogadzira munyika medu pane kuti tirambe tichinotenga kunze izvo zvinotidhurira pakutenga mari dzekunze.

“Kana zvinhu zvikagadzirwa muno nehuwandu hwazvo sezvakaitwa nekambani yePepsi inogadzira zvinwiwa, tinoona mitengo yezvinwiwa zvizhinji ichiderera.”

VaMutashu vanoenderera mberi vachiti, “Zvinhu zvinogadzirwa muno zvakakwira nechikamu che4-10 percent apo zvinobva kunze kwenyika zvakakwira zvakanyanya nechikamu ch30 kusvika 40 percent.”

2kg mupunga $2.99

Vanoti kugadzwa kwedare reCabinet idzva kuchaita kuti mapoka oga-oga ange aine vamiririri vanoita mabasa avo muzvikamu zvakasiyana.

“Kana Cabinet ichinge yagadzwa, tinenge tava negwara rekuziva kuti kana pachinge paita dambudziko rakadai serekukwira kwezvinhu tinonanga kupi kuti matanho ange achitorwa,” vanodaro.

VaMutashu vanoti rimwe dambudziko guru nderekushaikwa kwemari yemusvo kumabhengi, izvo zviri kuita kuti munyika muve nemitengo mina inoti yeEcoCash, RTGS, yevanoshandisa mari yekunze neyemuno.

Vanotizve Hurumende inofanira kutora matanho akasimba ekurwisa kutengeswa kwemari yekunze pamusika wemukoto nekuti izvi zviri kukonzera kuti mari iyi iburitswe mumabhangi nechikiribidi ichizoguma yave pamusika wemukoto.

“Tinoziva kuti kune vanhu vari kuendesa mari kumisika mitema iyi zvinoita kuti vatengesi vemari iyi varambe vari mumigwagwa.

‘‘Kana vakasabatwa vanhu ivavo, dambudziko iri hariperi uye vanotofanira kupihwa zvirango zvakaomarara.

“Pane nyaya zvakare yevanotengesa zvinhu zvinosanganisira girosari pamusika wemukoto. Ivava havana mitero yavanobvisa kukanzuru, mitero yemagetsi kana kuHurumende, chavo kungopinda muguta nemagirosari avo vachitengesa pachena asi vachibira bhizinesi kune vane zvitoro. Izvi zviri kumutsa makwikwi kumisika zvichikonzera kukwira kwemitengo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey