Veruzhinji vokurudzirwa kukohwa mvura

11 Feb, 2025 - 18:02 0 Views
Veruzhinji vokurudzirwa kukohwa mvura

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department of Zimbabwe (MSD) rokurudzira veruzhinji kuti vakohwe mvura panguva ino yekunaya kwayo kuitira kuti vazowana yekushandisa munguva inotevera.

VaJames Ngoma vanova head of forecasting kuMSD  vanoti nyika iri kutarisira kunaya kwemvura yakawanda, zvikuru sei mumatunhu akadai seManicaland, Mashonaland East, Masvingo, Matabeleland South, Bulawayo Metropolitan neMidlands.

“Kunaya kwemvura kwakakosha zvikuru nekuti mvura ndihwo upenyu nokudaro hatifaniri kungosiya mvura iyi ichingoyerera nenzizi asi inguva yazvino kuti tinge tichikohwa mvura nenzira dzese dzatinogona, kungava kuisa mumadhiramu nekuti tinozoda kuishandisa pamberi apa mumabasa akasiyana akadai seepamba, madiridziro kana kupa zvipfuyo,” vanodaro.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vagare mudzimba paye panoita mupande wemheni uye kuti vasamire pasi pemiti kana padyo nemidziyo yakareba. Vatyairi nevanofamba netsoka, ngavasayambuke nzizi kana madhamu akazara nekuti zvine njodzi huru. Gore negore, tiri kurasikirwa neupenyu nekuda kwevanhu vanoita hushingi hwekuyambuka nzizi dzakazara,” vanodaro.

Munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, madiridziro nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa – Professor Obert Jiri – vanoti vanofara zvikuru nekunaya kuri kuita mvura kumativi mana enyika.

“Kukohwa mvura kwakanaka, zvikuru sei kuvarimi vaya vane midziyo yakakura inochengeta mvura kwenguva ndefu. Kushanduka kwemamiriro ekunze kwava  kukonzera kushomeka kwemvura yekunaya. Painozonaya, mvura inogona kuve yakawandisa kudarika inodiwa nezvirimwa kana zvipfuyo panguva iyoyo. Izvi zvinoratidza kuti varimi vanofanira kuita mabhindauko ekuchengetedza mvura painonaya,” vanodaro.

“Madhamu akavakwa anochengetedza mvura iyoyi. Asi varimi vanogona kuita zvimwewo paminda yavo zvakafanana nekugadzira mihomba yakaganhurwa kana mazikomba anochengetedza mvura,” vanodaro.

Mai Depinah Nkomo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Farmers Association Trust vanoti danho rekukohwa mvura rakakosha zvikuru asi varimi vazhinji havana rizivo uye midziyo yekushandisa mubasa iri.

 

Share This:

Sponsored Links