Veruzhinji vomiswa kuona varwere

17 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Veruzhinji vomiswa kuona varwere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SENZIRA yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19, chipatara chikuru cheParirenyatwa Group of Hospitals chiri muHarare chambomisa veruzhinji kuona varwere kunze kwehama yepedyo imwechete.

Chinyorwa chakabva kuchipatara ichi nemusi weChitatu chinoti, “Tambomisa kushanya kweveruzhinji muchipatara chino zvichikonzerwa nekuwanda kwenyaya dzechirwere cheCovid-19. Chinangwa chedu ndechekuchengetedza varwere, vashandi nemi veruzhinji.”

Mutauriri wechipatara ichi, VaLinos Dhire vanoti vashandi vavo ndivo vari kunyanya kunetswa nechirwere ichi kupinda varwere.

“Sezvamunoziva, tinoshanda nevarwere vakawanda zvikuru kuchizoti vanhu vanouya kuzoona varwere. Tichitarisa zvekare huwandu hwevashandi vedu, hauenderani nekukura kwenharaunda yechipatara chedu. Kuungana kwevanhu panzvimbo imwe chete kunopa mikana yakakura yekunyuka kweCovid-19,” vanodaro.

VaDhire vanoti kubvira zvakanyuka Covid-19 kechipiri, vashandi 13 vepachipatara chavo nevarwere vana vange vachirapwapo vakabatwa nechirwere ichi zvisinei nekuti vange vasiri kunorapwa vane Covid-19.

Zvichakadai, vamwe vashandi vepachipatara ichi avo vakataura nemunyori uno — asi ndokukumbirisa kuti mazita avo asaburitswe nekuda kwemutemo webasa — vanoti vanotambira danho iri nemufaro mukuru.

“Hongu, zvakakosha kuti vanhu vauye kuzoona varwere vachibatsira mukusimbaradzana asi dambudziko nderekuti vanhu ava vanenge vachibva kunzvimbo dzakasiyana vouya voungana panzvimbo imwe chete vakamirira kuona varwere. Mikana yekutapurirana Covid-19 yakakura, kana ivo varwere vanogona kutapurirwa zvekare zvotounza mamwe matambudziko anoita kuti vanonoke kunaya,” anodaro murapi uyu.

Anoenderera mberi achiti dambudziko iri vakariona kubvira kare pakanyuka chirwere cheCovid-19 muno apo vamwe varwere vaive nedenda iri vaigumisira vava kungofamba-famba vachienda kune mamwe mawadhi ane varwere.

“Vamwe vacho vaitonzvenga saka nekuwanda kunenge kwakaita vanhu pachipatara, zvinonetsa kuti uzive kuti murwere kana muyenzi ndeupi. Ndinovimba kana zvikanzi munhu mumwe chete akanyoreswa pagwaro remurwere sehama yepedyo zvinobatsira kuti tione mafambiro anoita vanhu,” anodaro.

Zvichakadai, kune mamwe makiriniki emakanzuru akapoteredza guta reHarare neChitungwiza ayo akatombomisa zvimwe zvirongwa sesikero yevana pamwe nekuderedza huwandu hwevanhu vanouya kuzorapwa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links