Vhenekwa gomarara

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE iri kucherechedza mwedzi wekurwisa chirwere chegomarara rezamu (Breast Cancer Awareness Month) uyo unocherechedzwa pasi rose mumwedzi waGumiguru nechinangwa chekurwisa kupararira kwedenda iri.
Makore ose, kubva musi wa1 Gumiguru kusvika 31 Gumiguru, nyika dzakawanda pasi rose dzinenge dzichiita zvirongwa zvakanangana nekurwiswa nekurapwa kwegomarara rezamu.
Sangano reInternational Agency for Research on Cancer (IARC) rinoti pasi rose, vanhu vanosvika 1,38 miriyoni vari kubatwa nechirwere chegomarara rezamu uye vamwe vanodarika 458 000 vari kufa pagore.
Gomarara iri rinonzi rinobata munhukadzi mumwechete pavasere uye kuvanhurume richibatawo murume mumwechete pazana.
MuZimbabwe, sangano reCancer Association of Zimbabwe rinoti ongororo yarakaita inoratidza kuti pavanhu 7 000 vane chirwere chegomarara rezamu muHarare chete, chikamu che57 percent vanhukadzi uye 43 percent vanhurume.
Izvi zviri pachena kuti chirwere ichi chiri kutambudza vanhu vakawanda zvisinei kuti murume kana kuti mukadzi.
Chirwere ichi chinonzi ndicho chiri kunyanya kukonzera ndufu kuvanhukadzi pasi rose, munyika dzakasimukira nedzichiri kusimukira.
Kunyika dzichiri kusimukira, goramara rezamu rinonzi riri kuwanda kubva makore adarika izvo zviri kukanganisa raramo yevanhu. Kunze kwegomarara rezamu, kune zvimwe zvirwere zvakare zvemhando iyi zvinosanganisira gomarara remuchibereko nereduriro.
MuZimbabwe, bazi reutano nekurerwa kwevana — rakabatana nemamwe masangano — vane zvirongwa zvekurwisa zvirwere zvegomarara.
Mudzimai wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vari kuita basa guru zvakare kuburikidza nezvirongwa zvekuti vanhukadzi, zvikuru vari kumaruwa, vawane mikana yekuvhenekwa gomarara.
Zvakakosha kuvhenekwa kana kuongororwa gomarara ringave rezamu, remuchibereko kana reduriro nguva ichiripo kuitira kuti munhu akwanise kubatsirwa.
Nekudaro munhu wose anofanirwa kuenda kunovhenekwa nguva nenguva nekuti kana chirwere ichi chikadingindira mumuviri, chinozonetsa kurapa.
Kazhinji, vamwe vanhurume havadi kuenda kuzvipatara kana kumakiriniki apo vanorwara vachida kuzvishingisa inove tsika isina kunaka nekuti chirwere chinogona kudzika midzi pauri.
Nyanzvi dzezveutano dzinoti pari zvino hazvisati zvave kunyatsozivikanwa kuti gomarara remuzamu rinokonzerwa nei nekudaro zvakakosha kuti munhu avhenekwe nguva ichiripo.
Kana chirwere ichi chikaonekwa nguva iripo, zvinoita kuti chivewo nyore kurapwa.
Munhu anokwanisa kugara achizviongorora zvakare mazamu ake uye akangoona kana kunzwa kabundu kaasinganzwisise, anofanirwa kuende kuchipatara kunovhenekwa nekukasika.
Zviri nani kuenda kunovhenekwa chirwere chegomarara nguva nenguva pane kuti chizosvika pakudingindira mumuviri sezvo chichizonetsa kurapa.

Share This:

Sponsored Links