Vhenekwai gomarara: Dr Pari

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Vhenekwai gomarara: Dr Pari Dr Parirenyatwa

Kwayedza

Tandayi Motsi
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vanovhenekwa chirwere chegomarara nguva ichiripo uye chisati chadingindira mumuviri kuitira kuti chive nyore kurapa.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation kuManicaland mudare iri, Cde Lucia Chitura.

Cde Chitura vaida kuziva hurongwa hweHurumende maererano nekurwisa kupararira kwegomarara kuvanhukadzi.

“Hurongwa hweHurumende hwakamira sei panyaya yekuvheneka gomarara, kunyanya remuchibereko. Izvi zvanyanya kudunhu randinomirira kuManicaland, madzimai ari kubhadhariswa mari inosvika US$800 kuti vange vachibatsirwa panyaya dzine chekuita negomarara remuchibereko,” vanodaro.

Cde Chitura

Dr Parirenyatwa vanoti ichokwadi kuti kune vamwe vanhukadzi vari kutambudzwa nechirwere chegomarara.

“Ndinowirirana nazvo kuti vanhukadzi vane matambudziko akawanda avari kusangana nawo maererano negomarara remuchibereko iro rinonyanyovabata. Gomarara rechipiri rinobata vanhukadzi nderezamu kwozouya redundiro,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

“Zvisinei, dambudziko guru riripo nderekuti vakawanda vevanhukadzi ava vanozoenda kunovhenekwa gomarara iri nguva yapera.

Yambiro yedu sebazi rezveutano nekurerwa kwevana ndeyekuti vanhukadzi ngavaende kunovhenekwa nguva ichiripo kutira kuti vabatsirikane.

“Pari zvino takatanga chirongwa chekuti vanhukadzi vanovhenekwa gomarara remuchibereko. Saka iyi ndiyo imwe nzira yatiri kushandisa sekudzivirira denda iri,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Cde Nduna

Vanoti zvakakosha kuti nhengo dzedare reParamende dzikurudzire vanhukadzi vekumatunhu adzinomirira kuti vaende kunovhekwa gomarara.

“Ngatikurudzirei vanhukadzi kuti vaende kunovhenekwa gomarara remuchibereko. Tinogona kukurudzira zvakare vasikana vechidiki vane makore anotangira pamapfumbamwe ekuberekwa zvichienda mberi kuti vanobaiwa majekiseni ekudzivirirwa gomarara remuchibereko,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kukurudzira zvakare kuti vasikana vechidiki vasapinde munyaya dzepabonde nekuti takaona kuti gomarara remuchibereko rinowanikwa kuburikidza nekuita bonde. Saka vasikana vechidiki imbomira kuita zvebonde uye kana zvichikwanisika itoregai kuriita.

“Tiri kukurudzirawo vanhurume nevanhukadzi kuti vaite bonde rakadzivirirwa. Asi chakanyanya kukosha, vanhukadzi ngavanovhenekwa gomarara.”

Cde Chitura vanoti pane mumwe chiremba anonzi Dr Kitkat wekwaMutare ari kuti anoda US$800 yekuti abatsire vanhukadzi vane dambudziko regomarara remuchibereko.

“Izvi zviri kuitika muchipatara cheHurumende, kunyanya kune avo vanhukadzi vane gomarara remuchibereko vanenge vachida kubviswa chibereko,” vanodaro Cde Chitura.

Dr Parirenyatwa vanoti bazi ravo rinoda nguva yekuongorora mafambiro ari kuita nyaya yachiremba anonzi ari kubhadharisa mari yakawanda uyu.

Zvakadai, mumiriri weChegutu West mudare iri, Cde Dextor Nduna, vanoti hazviite here kuti Hurumende ishandise mari yehomwe yeNational Health Fund kuitira kubatsira vanhurume nevanhukadzi vane chirwere chegomarara.

“Haingave pfungwa yakanaka here kuti mushandise imwe mari yehomwe yeNational Health Fund iyo yamave kuwana kuti ibatsire mukurapwa kweavo vari kutambudzwa negomarara?” vanodaro.

Dr Parinyatwa vanoti imwe yemari yehomwe iyi yakatotanga kare kushandiswa mukurwisa kupararira kwechirwere chegomarara.

“Ichokwadi kuti iye zvino tave nehomwe yeHealthy Levy Fund iyo pari zvino yange yave nemari inosvika $22 miriyoni uye tashandisa $16 miriyoni pamari iyi. Tiri kuona kuti mishonga yegomarara inodhura zvikuru,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

 

Share This:

Sponsored Links