‘Vhenekwai gomarara nenguva’

07 Nov, 2022 - 18:11 0 Views
‘Vhenekwai gomarara nenguva’ maSenior Citizen achipihwa menduri naVaDeketeke mukutsigira chirongwa ichi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRONGWA chekambani huru mune zvenhau munyika muno yeZimpapers, che7th Cancer Power Walk icho chakananga kuunganidza mari yekubatsira varwere vegomarara pamwe nekupa chenjedzo veruzhinji pamusoro pedenda iri, chakabudirira zvikuru apo chakaitwa kumativi ose enyika nemusi weMugovera wadarika.

MuHarare, mazana nemazana evanhu vakapinda muchirongwa ichi paOld Hararians Sports Club apo vakafamba, kumhanya pamwe nekuita mitambo inosanganisira Zumba.

Vachitaura pachiitiko ichi, chamangwiza weZimpapers, VaPikirayi Deketeke, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vave neruzivo pamusoro pemhando dzechirwere chegomarara dzinogona kuvabata.

“Kuti nyika ibudirire hunge tiine vashandi vane utano, saka tinotenda masangano anotitsigira munyaya dzemitambo inosimbisa muviri. PSMAS (Premier Service Medical Aid Society) yabatsira mukuvheneka zvirwere zvakasiyana nekupa yambiro yekurapwa nevamwe vose vandisina kudoma nemazita.

“Chirwere chegomarara chinobata munhu wose, hachisarudzi zera kana rudzi nokudaro chinoda mushandirapamwe kuti tichirwise, zvikuru kuburikidza nekuwanisa veruzhinji ruzivo maringe nezviratidzo uye matanho avanofanirwa kutora kana pachinge paita fungidziro yacho,” vanodaro.

VaDeketeke vakawanawo mukana wekupa menduru kuvanhu vakwegura vane makore 60 okuberekwa zvichikwira, vana vechikoro uye nevakapinda muchirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk kubvira pachakaparurwa mugore ra2016.

Dr Tapiwa Chiworeka vanova murongi kuPSMAS vanoti zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe chirwere chegomarara pachine nguva kuitira kuti vakwaniswe kurapwa vachipora pane kuti chitange chakomba.

“Tawanisa vanhu ruzivo maringe nechirwere chegomarara, kuvheneka shuga, bp nehuremu hwemuviri. Tinoyambira veruzhinji kuti vaite mitambo inogwinyisa muviri uye kudya chikafu chinovaka muviri,” vanodaro.

Chirongwa ichi chakaitwa mune mamwe matunhu anoti Gweru, Mutare, Kariba, Masvingo neBulawayo donzvo riri rekuunganidza mari nerwumwe rubatsiro rwunozoendeswa kusangano reIsland Hospice kunobatsira vari kutambudzwa negomarara.

Share This:

Sponsored Links