Vhenekwai gomarara pachena

04 Nov, 2022 - 17:11 0 Views
Vhenekwai gomarara pachena Premier Service

Kwayedza

Munyori weKwayedza

SANGANO rePremier Lifestyle, iro riri pasi pePremier Service Medical Aid Society, richange richivheneka utano pachena kune vanoda kupinda muchirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk icho chiri kuitwa mangwana muHarare nekune mamwe matunhu enyika.

Murongi kusangano iri, Dr Tapiwa Chiworeka, vanoti ongororo dzichaitwa dzinosanganisira shuga, bp, gomarara remuzamu, gomarara reduriro, kuvhenekwa huremu hwemuviri nezvimwe.

Vanoti kufamba kuchaita vanhu pazuva iri kunomira semuyeuchidzo kuzvizvarwa zvose zveZimbabwe kuti zvigamuchire kuti nemitambo vanhu vanokwanisa kuderedza zvimwe zvizvere nenzira iri nyore.

“Ongororo yakaitwa inoratidza kuti zvirwere zvakawanda zvisingatapuriranwe zvinobva mumararamiro atinoita akadai sekudya chikafu chakawanda kana kuregedza kuita mitambo inosimbisa muviri. Nechirongwa chekufamba cheWalkathon ichi, tiri kuyeuchidza zvizvarwa zvose zveZimbabwe kuti kunyangwe kufamba zvishomanana kune zvakunoita pakurarama kwemunhu nokudaro kunofanira kutambirwa,” vanodaro Dr Chiworeka.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko kuPSMAS, Muzvare Paidamwoyo Chipunza, vanoti vari kutarisira zvikuru chiitiko ichi sezvo chiri kupa mukana wekusimudzira utano hweveruzhinji.

“Shoko redu rakajeka, kukasika kuvhenekwa kunoponesa upenyu nekudaro kubatana kwedu neZimpapers kusimudzira vanhu vane utano,” vanodaro Muzvare Chipunza.

Chirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk chiri kuitwa zvakare kuBulawayo, Masvingo, Gweru, Kariba nekwaMutare.

Mari yose ichawanikwa pachiitiko ichi ichaendeswa kune vanoda rubatsiro kuburikidza neZimpapers.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey