Vhudzi remhotsi nechivanhu

10 May, 2023 - 08:05 0 Views
Vhudzi remhotsi nechivanhu Godfrey Makwanya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUBVA pasichigare, kune vanhu vaionekwa vaine mhotsi – iya yatinoti rasta – mumisoro, vangava vanhukadzi kana vanhurume.

Kareko, vakawanda vaichengeta vhudzi remhotsi vaiva masvikiro kana n’anga.

Pashure, kwakazouyawo mamwe maporofita vanoita mhotsi.

Kwayedza inoita ongororo pamusoro pekukosha kwemhotsi pachivanhu zvose nechinamato.

VaGodrey Makwanya (48) vemubhuku raMakwanya, kwaMambo Tandi, kwaRusape vanoti mhotsi dzine chekuita nechivanhu.

“Kare yaiva garoziva kuti munhu wose ane mhotsi ane chivanhu chinosanganisira kusvikirwa kana kubatwa nemashavi. Kwete zvazvino zvekuti vamwe vanongochiva kuti ndinodawo kuita mhotsi dzemucheno. Pachivanhu mhotsi dzine zvadzinoreva,” vanodaro VaMakwanya.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ini ndakangozviitawo zvangu kutanga mugore ra2001 kuti ndava kuita rasta. Zvangu hazvina chivanhu, ivhudzi rekungochena uyewo zvinoratidza kuti haupare mhosva nekuti munhu anoenda kujeri anogerwa.”

VaCrispen Rambakuwanda (45), avo vanonyanya kuzivikanwa nekuti Nyamasvisva kunzvimbo yeKambuzuma Section 2, muguta reHarare, vanoti mhotsi dzose dzine chekuita nechivanhu.

“Musoro nevhudzi ndiye munhu, ndimo makatakura chivanhu chose nedzinza rinochengeta munhu sedungamunhu. Ini ndakaita mhotsi kubva mugore ra2000, dzangu ndakaita dzekurotswa kunzi ita rasta.

“Ndakamboshora hope idzi dzikadzokorora kasingaperi, ndikazosangana nemumwe murume akanditi nditevedzere hope idzi ndokubva ndatanga ndazora bute mumusoro ndichibva ndatanga kumona vhudzi iri,” vanodaro VaRambakuwanda.

VaCrispen Marambakuwanda

Vanoti muvhudzi remhotsi munogara simba revadzimu nemasvikiro.

“Kune vamwe vanomona vhudzi vachifunga kuti vari kuita zvemicheno ivo vatumwa nevadzimu kuita izvi. Unozoona kuti pekugumisira pacho vanhu ivavo vanosvikirwa,” vanodaro.

VaRambakuwanda vanoti kune mhotsi dzemasvikiro, dzekumasowe nedzemicheno uye dzinobatwa zvakasiyana.

“Mutemo wemhotsi dzemidzimu nemasvikiro dzinobikirwa doro, kana kuchinamato kune zvinoitwa. Onai Dherira (wemuBhaibheri) akagera Samson pakabva paperera simba rake, muvhudzi mune chivanhu chakakosha uye kumasowe kune zvavanoitawo ikoko,” vanodaro VaRambakuwanda.

Mai Tambudzai Mutesva Muzoda

Mai Tambudzai Mutesva Muzoda (45) vanobva kuSuswe, kwaMambo Nyamukoho, kwaMutoko – avo vanochengeta mhotsi – vanoti ivo vakangozvitangisa vachiti mucheno.

“Ini ndaingoyemurawo vamwe vaiva nevhudzi remhotsi kusvikira ndakazotanga kumonawo rangu vhudzi makore maviri akadarika kusvikira rakura kudai. Ndinongonzwawo vamwe vanoti mhotsi dzinoitwa nevanhu vane chivanhu chinosanganisira kusvikirwa nemidzimu nemashavi.

“Ini zvangu ndinongonzwawo nevakuru kumusha kuti pane zvandinazvo zvinoda kusvika pandiri, asi hapana chakamboitika,” vanodaro Mai Muzoda.

Vanoti kumusha kwavo vachikura, vaiona vanhu vanosvikirwa vaine mhotsi mumusoro.

VaJustin “Madzibaba” Aaron Makuba (45) vechechi yeJohane Masowe yeNyenyedzi Nomwe Nguwo Tsvuku vekwaMambo Dzoro, kuZaka, kuMasvingo, vanoti chechi yavo ine mhiko dzekuti muporofita wose nevamwewo vanamati vanobatwa nemweya vanofanirwa kuita mhotsi.

“Mhotsi dzose dzine chekuita nechivanhu kunyangwe ukadziita zvekutevedzera, unoguma wava kubatwa nemashavi kana mudzimu. Kwedu tinopihwa chiga chekuita mhotsi kwemakore aunotarirwa, ukazvitevedza sekutaurwa kwazvo kana zvaunochemera zvinoitika,” vanodaro Madzibaba Aaron.

Madzibaba Aaron

Vanoti mhotsi dzavo dzakatanga vachigara mubako kunova kwakatangirawo chiporofita chavo.

“Mhotsi dzangu dzakatanga ndichigara mubako ndikazobuda panova pandakauya ndava kurapa. Ndakazopihwa dzimwe mhiko dzekuti ndipedze makore 7 ndisingagezi, izvo zvandakaita ndikakunda saka zvinorehwa nemweya zvinofanirwa kutevedzwa. Mhotsi dzine chivanhu chakasimba,” vanodaro Madzibaba Aaron.

Share This:

Sponsored Links